Ungwaru Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku roUngwaru rakanyorerwa vaJudha vakanga vari muudzvinyiriri vachitambura pamusana pezvamatongerwo enyika kuti rivanyaradze uye kuvasimbaradza richivataurira kuti vanenge varamba vakatendeka vachichengetedza chitendero chavo vachapiwa mubayiro wavo. Bhuku iri rinoti vakaipa vachapiwa mubayiro worufu asi vakanaka vachapiwa mubayiro woupenyu husingaperi. Rinoratidzawo kuti ungwaru hwaSoromoni hwakangoenzanawo noungwaru hwevechiGiriki. Muchidimbu chechitatu chebhuku iri munyori anoedza kutora nhamo shanu dzakawira Ijipiti panguva yokubuda kwavaIsiraeri muIjipiti achidzienzanisa namakomborero ari kuwanikwa navaJudha. Mushure maizvozvi munyori anozobata–bata mimwe misoro yenyaya sedzidzi dzinoti: simba netsitsi dzaMwari, kunamata kwenhando, Mwari Musiki. Chikuru chaanosimbisisa ndechokuti Mwari ndiye anotungamirira nhoroondo youpenyu hweIsiraeri kunyange pavanoita sovotambura zvakanyanya.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku roUngwaruUpenyu husingaperi ndiwo mubayiro woungwaru (1:1—6:21)Kurumbidzwa kwoungwaru (6:22—10:21)Ungwaru hwakashandiswa pakubuda muIjipiti (11:1—12:27)Kunamata zvifananidzo upenzi (13:1—15:13)Zvikomborero nokurangwa pakubuda muIjipiti (15:14—19:22)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help