Johani 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Hurukuro yaJesu naNikodhimasi

1Kwaiva nomumwe munhu webato ravaFarisei ainzi Nikodhimasi, mumwe wedare ravaJudha.

2Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.”

3Jesu akamuti,

“Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri,

‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva

haangaoni umambo hwaMwari.’ ”

4Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?”

5Jesu akapindura achiti,

“Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri,

‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya

haangapindi muumambo hwaMwari.

6Chinenge chazvarwa nenyama inyama

chinenge chazvarwa naMweya mweya

7usashamisike nezvandati

unofanira kuzvarwa patsva.

8Mhepo inovhuvhuta kwainoda,

unonzwa kuvhuvhuta kwayo

asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda.

Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose

anoberekwa naMweya.’ ”

9Nikodhimasi akamupindura achiti, “Izvi zvingaitike sei?” Jesu akamupindurawo achiti,

10“Iwe uri mudzidzisi weIsiraeri kudai

haunzwisisi zvinhu izvi sei?

11Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri

tinotaura zvatinoziva

uye tinopupura zvatakaona

asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.

12Kana ndikakutaurira nezvepasi hamutendi

mungatende sei kana ndikataura nezvokudenga.

13Hapana akambokwira kudenga

kusiya iye akaburuka achibva kudenga,

mwanakomana womunhu.”

14Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje

saizvozvo Mwanakomana womunhu

anofanira kusimudzwawo,

15kuti munhu wose

anotenda maari awane upenyu husingaperi.

16Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa

Mwanakomana wake mumwechete

kuti munhu wose anotenda maari arege kufa,

asi kuti awane upenyu husingaperi.

17Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake

pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye.

18Anotenda maari haapihwi mhosva

asi asingatendi maari atova nemhosva

nokuti haana kutenda muzita

roMwanakomana mumwechete oga waMwari.

19Mhosva yacho ndeyiyi yokuti

chiedza chakauya pasi pano

asi vanhu vakada rima panze pokuda chiedza,

nokuti mabasa avo akanga akaipa.

20Nokuti munhu wose anoita zvakaipa

anovenga chiedza uye haauye kuchiedza

kuitira kuti mabasa ake arege kuburitswa pachena.

21Asi anoita zvechokwadi anouya kuchiedza

kuti zvionekwe pachena

kuti mabasa ake akaitwa muna Mwari.

Johani anopupurira Jesu Kokupedzisira

22Mushure maizvozvi Jesu navadzidzi vake vakaenda kunyika yeJudhea. Akambogarako navo achiombeka.

23Johani aiombekawo ari kuAinoni pedyo neSarimu nokuti ikoko kwaiva nemvura zhinji. Vanhu vaiuya vachiombekwa.

24Izvozvi Johani akanga asati aiswa mujeri.

25Pakamuka nharo pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro pezvokuchenurwa.

26Vakauya kuna Johani vakati, “Rabhi munhu uya wamaiva naye kumhiri kwaJorodhani wamakapupurira uya hoyo wavakuombeka, vanhu vose vavakuenda kwaari.”

27Johani akapindura achiti,

“Hakuna munhu angawane chinhu

kusiya chaanenge atopiwa chichitobva kudenga.

28“Imi pachenyu mungatondipupurirawo kuti ndakati: handisini iye Kristu asi ndakatumwa kufanouya mberi kwake.

29“Mwenga achichata ndewemuwani.

Shamwari yomuwani

inomira ichiteerera achitaura;

inofara zvikuru kunzwa izwi romuwani.

Saizvozvo rufaro rwanguwo rwazara kuti tuba.

30Iye anofanira kukwirira

ini ndinofanira kuderera.

Jesu ndiye anobva kudenga

31“Iye anobva kumusoro

ari pamusoro pavose.

Wapanyika ndewapanyika

uye anotaura nezvapanyika;

uyo anobva kudenga ari pamusoro pavose.

32Zvaakaona nezvaakanzwa ndizvo zvaanopupura

asi uchapupu hwake ihwohwo hauna anohugamuchira.

33Munhu anogamuchira uchapupu hwake ihwohwo

anotsinhira kuti, Mwari ari pachokwadi.

34Nokuti akatumwa naMwari

anotaura mazwi aMwari

nokuti Mwari haana kumupa Mweya achiita zvokuera.

35Baba vanoda Mwanakomana

uye vakaisa zvinhu zvose mumaoko ake.

36Anotenda muna Mwanakomana anoupenyu husingaperi

uyo asingateereri Mwanakomana haamboona upenyu

asi hasha dzaMwari dzichanangana naye.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help