Jeremiya 47 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Shoko raTenzi rinonangana neFirisitia

1Shoko raTenzi rakauya kunomuporofita Jeremiya richitaura nezvevaFirisitia Farao asati arwisa guta reGaza richiti,

2“Zvanzi naTenzi, chinzwai,

mvura yava kusimuka

ichibva kuchamhembe,

ichava mafashamo chaiwo ehova

dzichanyatsoti fasha nenyika ino

nezvose zviri mairi, zvinoti

guta navagari vemo.

Vanhu vacharidza mhere,

mugari wose zvake wenyikayo

achihwihwidza kuchema.

3“Donzwa kukakatika kwamakumbo

amabhiza ake makono

nokuuruka kumhanya

kwengoro dzake dzehondo

nokuriridza kwamavhiri adzo

madzibaba asisacheuki vana vawo,

maoko avo achiti rukutu

4pamusana pezuva riri kuuya

rokuparadzwa kwavaFirisitia vose,

kutsakatisa muyamuri wose akasimba

kuTire kana kuSidhoni,

nokuti Tenzi ari kuparadza vaFirisitia,

marimbirimbi acho evokwaKafutori

kunyika dzokumahombekombe kwegungwa.

5“VokuGaza vava musvuu,

guta reAshikeroni raparara.

Imi marimbirimbi evaAnakimu

kusvikira rini chaizvo

muchingozvicheka-cheka kudai?

6Iwe bakatwa raTenzi,

kusvikira rini chaizvo

kuti uzonyarara.

Chizvipinza hako muhara mako

uzorore wakati mwi-i.

7“Ringagonyarara sei

kana Tenzi aritemera basa rokuita,

rokurwisa kuAshikeroni nokumahombekombe kwegungwa

kwaakarituma?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help