1Shoko raTenzi rakauya kunomuporofita Jeremiya richitaura nezvevaFirisitia Farao asati arwisa guta reGaza richiti,
2“Zvanzi naTenzi, chinzwai,
mvura yava kusimuka
ichibva kuchamhembe,
ichava mafashamo chaiwo ehova
dzichanyatsoti fasha nenyika ino
nezvose zviri mairi, zvinoti
guta navagari vemo.
Vanhu vacharidza mhere,
mugari wose zvake wenyikayo
achihwihwidza kuchema.
3“Donzwa kukakatika kwamakumbo
amabhiza ake makono
nokuuruka kumhanya
kwengoro dzake dzehondo
nokuriridza kwamavhiri adzo
madzibaba asisacheuki vana vawo,
maoko avo achiti rukutu
4pamusana pezuva riri kuuya
rokuparadzwa kwavaFirisitia vose,
kutsakatisa muyamuri wose akasimba
kuTire kana kuSidhoni,
nokuti Tenzi ari kuparadza vaFirisitia,
marimbirimbi acho evokwaKafutori
kunyika dzokumahombekombe kwegungwa.
5“VokuGaza vava musvuu,
guta reAshikeroni raparara.
Imi marimbirimbi evaAnakimu
kusvikira rini chaizvo
muchingozvicheka-cheka kudai?
6Iwe bakatwa raTenzi,
kusvikira rini chaizvo
kuti uzonyarara.
Chizvipinza hako muhara mako
uzorore wakati mwi-i.
7“Ringagonyarara sei
kana Tenzi aritemera basa rokuita,
rokurwisa kuAshikeroni nokumahombekombe kwegungwa
kwaakarituma?”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.