Tsumo 13 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Mwana akangwara anoteerera

zvaanodzidziswa nababa vake,

asi tsvuuramuromo haitsiuriki.

2Munhu anodya zvakanaka

zvinobva mumuchero wezvaanotaura nomuromo wake

asi vanyengedzi chavanoda utsinye.

3Munhu anobata muromo wake

anochengetedza upenyu hwake

asi anongoshamarara kutaura

anozviparadza.

4Nyope yomunhu inosuwira zvinhu

asi haina chainowana,

vanochamirira basa vanokora.

5Akarurama anovenga nhema

asi akaipa anoita zvinotsverutsa

uye zvinonyadzisa.

6Ururami hunochengetedza

vane nzira dzakarurama

asi chitadzo chinorigira pasi mutadzi.

7Mumwe munhu anoita somupfumi

chaanacho pasina

mumwewo anoita zvake somurombo

asi aine upfumi hwakawanda.

8Chinonunura munhu upenyu

upfumi hwake,

asi murombo hapana

chikonzero chokumutyityidzira.

9Chiedza chomururami

chinongoti bhaa kuchena

asi mwenje womuipi

uchanzi nhoo kudzimwa.

10Kuzvikudza, chako kumutsa nharo

asi vanobvuma kupiwa mazano chavo ungwaru.

11Upfumi hunowanikwa nechimbichimbi

hautani kupera

asi anohuunganidza kashoma nakashoma

anotohuwedzeredza.

12Chawakatarisira munhu chikanonoka

zvinoodza mwoyo

asi chaunoda chikaitika

ndiwo muti woupenyu.

13Munhu anoshora shoko

anozviparadza

asi anoremekedza mutemo

achapiwa mubayiro.

14Chidzidziso chomungwaru

chisipiti cheupenyu

kuitira kuti munhu

anzvenge musungo werufu.

15Kunzwisisisa kunoita kuti munhu adiwe

asi nzira yavanyengedzi yakaoma.

16Munhu akachenjera

anoita zvinhu noruzivo

asi benzi rinoparidzira urema hwaro.

17Nhumwa yakaipa inopinza munhamo

asi nhumwa yakatendeka inounza kurapa.

18Munhu anoshora dzidzo

urombo nokunyadziswa ndozvake

asi anoisa mumwoyo

zvaanege atsiurwa acharemekedzwa.

19Munhu anofara kana zvaanoda zvaitika

zvokusiana nezvakaipa mapenzi haadi.

20Anofambidzana navangwaru,

anovawo mungwaru

asi shamwari yamapenzi

inopinda nhamo.

21Vatadzi vanorondwa nezvakaipa

asi vakarurama vanopiwa mubayiro

nezvakanaka.

22Munhu wakanaka

anosiira vana vevana vake nhaka

asi upfumi hwomuipi

hunochengeterwa varurami.

23Gura romurombo

rinopa chokudya chakawanda

asi chinotsvairwa

pamusana pokushaika kweruenzaniso.

24Munhu asingarove mwana wake neshamhu

anomuvenga,

asi anoda mwana wake anomuranga kwazvo.

25Mururami anodya pamadiro,

asi dumbu rowakaipa inzara yoga.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help