Joeri 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Hwiza seyambiro yokuuya kwezuva raTENZI

1Ridzai hwamanda muguta reZioni

ridzai bhosvo reyambiro

pagomo rangu rinoera.

Vagari venyika ino

vose zvavo ngavadedere

nokuti zuva raTENZI riri kuuya,

ratova pedyo.

Hondo yehwiza

2Zuva iroro izuva rerima nezarima,

zuva ramakore,

zuva rakati kwirindindi kusvipa.

Soutonga hwatsvuka pamakomo,

ungati rudzi rwavanhu rune simba

rusina kumbovapo nyange pasichigare

uye kuti rwakadaro haruchazovapo

mushure madzo

pamakore ezvizvarwa zvose zvazvo.

3Dzemberi kwacho

ungati moto unororomesa.

Dzeshure moto zvawo unoririma.

Mberi kwadzo uku,

nyika yacho ungati ibindu reEdheni;

asi shure kwadzo,

kwava renje zvaro raparara.

Hapana chinodzipunyuka.

4Dzinotarisika samabhiza,

dzichimhanya samabhiza ehondo.

5Dzinoriridza sengoro dzehondo,

dzinosvetuka pamisoro yamakomo

sokubarika kwerimi romoto

riri kuroromesa mashanga,

sehondo ine simba

yarongwa kuti ichirwa hondo.

6Pakudziona marudzi avanhu achatambura,

zviso zvose zvichati suruduru!

7Savarwi chaivo,

dzavakutanga kurwisa;

savarwi, madziro chairo

dzinoati karakata kukwira,

dzinofamba imwe neimwe

yakati tande nenzira yayo

dzisingatsauki gwara radzo.

8Hadzisundidzirani,

imwe neimwe inongofamba

iri mugwara rayo chete.

Dzinodimura nomukati mezvombo zvehondo

dzisina kana anodzimisa.

9Dzinosvetukira pamusoro peguta,

dzinomhanya napamusoro petsingo;

dzinokwira dzichipinda mudzimba,

dzichipinda nepamahwindo sembavha.

10Nyika inondengendeka mberi kwadzo,

matenga achidedera,

zuva nomwedzi zvinokwidibirwa,

nyenyedzi dzorega kupenya.

11TENZI akaburitsa izwi rake

mberi kwehondo yake

nokuti hondo yake

igurusvusvu guru kwazvo

anoita zvinhu zvaanenge areva,

ane simba

nokuti zuva raTENZI

izuva guru rinotyisa kwazvo.

Ndiani angaritirire?

Mwari anoti pindukai

12“Asi kunyange nazvino,

ndozviri kutaura TENZI

dzokerai kwandiri

nomwoyo wenyu wose

muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza.

13Uye bvarurai mwoyo yenyu

kwete hanzu dzenyu.

Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu

nokuti iye ane nyasha netsitsi.

Haakurumidzi kushatirwa

uye azere nomwoyochena,

anozvidzora orega kuita zvakaipa.”

14Ndiani angazive,

zvimwe angapinduke

akazvidzora zvake

achibva azosiya makomborero

mushure make,

zvokuti vanhu vanogona kupira

mupiro wembesanwa

nomupiro wokuteura kuna

TENZI, Mwari wenyu?

15Ridzai hwamanda muguta reZioni,

tsaurai zuva rokutsanya,

kokerai musangano wezvokunamata,

16unganidzai vanhu,

chenurai gungano ravanhu

unganidzai vakuru vakuru,

kokorodzai vana,

kunyangewo vacheche vachiri kuyamwa.

Chikomba ngachisiye gota racho

mwenga asiyewo nhanga yake.

17Pakati pekamba kepamusuo neatari,

vapristi, vashandiri vaTENZI

ngavahwihwidze kuchema vari ipapo

vachiti, “TENZI we-e regai

vanhu venyu vari vapenyu

musaite kuti nhaka yenyu ive chiseko zvacho,

kana kuva dimikira pakati pamarudzi.

Madirei kuti marudzi ataurirane kuti,

‘Mwari wavo aripi?’ ”

B: MHINDURO YATENZI

18Ipapo TENZI akaita shungu

nenyika yake,

akanzwira vanhu vake urombo.

19TENZI akapindura vanhu vake achiti,

“Chinzwai, ndava kukutumirai

mbesanwa newaini namafuta eorivhi

zvokuti muchaguta

uye handichazombokuitazve kuti

muve chiseko chenyika

pakati pamarudzi avanhu.

20Ndichaendesa wokuchamhembe kure nemi

ndigomudzingira murenje zvaro renyika,

nhungamiri dzake dzavarwi

ndidziti rororo mugungwa rokumabvazuva,

varwi vake vokutsigira shure

ndichivati ririri mugungwa rokumadokero.

Gutukutu rokunhuwa kwake richasumuka,

nokuti yaakapara ihuru.

Maguta

21“Iwe nyika rega zvako kutya!

Fara upembere nokuti

TENZI akaita zvinhu zvikuru!

22Imi mhuka dzesango

regai henyu kutya

nokuti mafuro okurenje

asvibirira ruswiswi,

miti inobereka michero yayo

muonde nomugirepisi,

yanyatsobereka michero yakakwana.

23“Farai henyu imi vana veguta reZioni

mupembere kufara naTENZI,

Mwari wenyu, nokuti

akakunayisirai mvura yomunhuruka

achiita zviri pamwero akakuwodzvorerai

mvura yomunhuruka neyamatsutso sakare.

24Maware achazara nembesanwa

mokusvinira muchifashuka

waini namafuta eorivhi.

25Ndichakudzoserai zvinotsivana namakore

okudyirwa nemhashu dzegute

nehwiza dzegwatakwata

uye neemhashu dzinorozva nedzomuteteni,

hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu.

26Muchadya zvakawanda zvokutoguta

muchirumbidza zita raTENZI,

Mwari wenyu anenge akuitirai zvishamiso.

Nezvo vanhu vangu havazofa vakanyadziswazve.

27Ndipo pamuchazoziva kuti

ndiri mukati meIsiraeri

uye kuti ini,

TENZI ndini Mwari wenyu,

hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa

vakanyadziswazve.

ZUVA RATENZIA: CHIKOMBORERO CHEMWEYA WAMWARI KUVANHU(Mab 2:17–21)

28“Mushure mezvo zvichazoitika kuti

ndichadururira Mweya wangu

pamusoro pavanhu vose.

Vanakomana venyu navanasikana venyu

vachaporofita,

vakwegura venyu vacharotswa hope,

vechidiki venyu vachaona zviratidzo.

29Kunyange pavaranda zvavo

vechirume nevechikadzi,

mumazuva iwayo,

ndichadururirawo Mweya wangu pavari.

Zviratidzo zvokuuya kwezuva raTENZI

30“Ndichaita zviratidzo mumatenga napanyika zvokudeuka kweropa nemoto nebwititi routsi.

31Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa, zuva guru raTENZI rinotyisa kwazvo risati rasvika.

32Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTENZI achaponeswa nokuti muGomo reZioni nomuJerusaremu muchava navanhu vanopunyuka sokutaura kwakaitawo TENZI uye mukati mevanenge vapunyuka muchava navanhu vakadaidzwa naTENZI.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help