1Vanovimba naTENZI
vakafanana negomo reZioni
risingazunguziki, rinogara nokusingaperi.
2Sezvakangoita makomo akatenderedza Jerusaremu,
ndizvo zvakaita TENZI
akatenderedzawo vanhu vake
kubvira zvino kusvika nokusingaperi kose.
3Hapana anoumambo hwakaipa achagara munyika
yakasarudzirwa vakarurama,
vakarurama vangadaro vakazopinda
mukuita zvakaipa.
4TENZI itai zvakanaka kuna vakanaka
uye kuvanhu vari pachokwadi
mumwoyo mavo.
5Asi vanotsaukira kunzira dzavo dzakaipa
TENZI achavatinha pamwechete navakaipa
Isiraeri ngaive norugare.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.