1Kana TENZI asina kuvaka imba,
vanoivaka vanoshandira pasina
kana TENZI asina kuchengetedza guta
Varindi vanorindira pasina.
2Kufumomuka kwenyu
nokunonoka kundorara munozviitira pasina chimuko
muchionera nhamo chamunodya
nokuti anopa kune wake wapamwoyowo arere zvake.
3Tarisai muone kuti
vana inhaka inobva kuna TENZI,
muchero wenhumbu mubayiro wacho.
4Vana vopaujaya
vakafanana nemiseve
iri muchanza chomurwi.
5Akakomborerwa zvake munhu
ane goba rizere navo.
Haambonyaranyara paanotaura
nomuvengi wake padare.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.