Nziyo 100 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rumbo rwokurumbidzaRwiyo rwemupiro wokutenda.

1Pururudzirai TENZI

imi nyika dzose

2shandirai TENZI, norufaro,

uyai pamberi pake muchiimba.

3Zvizivei kuti TENZI ndiMwari,

ndiye akatisika

uye kuti tiri vake.

Tiri vanhu vake,

hwai dzake dzaanochengeta.

4Pindai pamisuo yake mikuru

muchitenda

mupinde mumipanda yake

muchirumbidza,

mutendei muchirumbidza zita rake.

5Nokuti TENZI akanaka,

mwoyochena wake hauperi,

kutendeka kwake kunosvika

kuzvizvarwa nezvizvarwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help