Ezekieri 28 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chiporofita chakanangana namambo weguta reTire

1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Iwe mwanakomana womunhu iti kujinda reTire, zvanzi naTenzi Mwari:

“Pamusana pokuti une mwoyo wokuzvikudza,

uchizviti ndiri mwari;

ndinogara pachigaro chavamwari;

pakati chaipo pamakungwa

asi iwe uri munhu zvako

asiri Mwari kunyange zvazvo uchifunga kuti

uri mungwaru saMwari.

3Ichokwadi kuti wakangwaraka iwe kupinda Dhanieri

hakuna chakavandika kwauri,

4noungwaru hwako nokunzwisisa kwako

wakazviwaniraka upfumi iwe

ukazviunganidzira ndarama nesirivha

munzvimbo dzako dzaunochengetera upfumi iwe;

5nouchenjeri hwako hwakadzama

mumhindu dzokutengeserana

ukawedzera upfumi hwako

ukava nomwoyo wokuzvikudza

mukupfuma kwako ikoko,

6nezvo zvanzi naTenzi Mwari,

‘Iwe zvaunozviti mumwoyo mako

uri mungwaru saMwari,

7naizvozvo chirega uone,

ndichakuunzira vatorwa pauri,

vanhu vakaipa mwoyo pamarudzi ose.

Vachaburitsira bakatwa ravo

voparadza runako rwoungwaru hwako

uye vagosvibisa iyo mbiri yako.

8Vachakukanda mugomba,

uchafa rufu rwokupondwa mukatikati memakungwa.’

9“Uchazoramboti ndiri mwari here

pamberi pavanokuuraya,

iwe uri munhu zvako

usiri Mwari

izvozvo uri mumaoko mavanokukuvadza?

10Uchafa rufu rwavasina kudzingiswa

uchifira mumaoko mavatorwa

nokuti ndini ndataura.”

Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.

Kuparara kwamambo weguta reTire

11Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti,

12“Iwe mwanakomana womunhu ungudza uchichema mambo weTire uti kwaari, zvanzi naTenzi Mwari:

“Iwe waiva mucherechedzo wokukwana

uzere noungwaru norunako rwakakwana.

13Mawakanga ugere muEdheni,

mumunda waMwari,

ibwe rose rakakosha

riri chishongo chako

pachiti mabwe erubhi

neekaneriani netopazi nejasipa

needhaimhondi nebheriri neonikisi

neesafaya neketekoizi neemeradhi;

tumasefa twako twokugadzikira

twakanga twakaitwa nendarama

nezvimwe zvako zvawakaveza.

Pazuva rawakasikwa zvakanga zvatogadzirirwa.

14Ndakakuisapo hangu

nekeribhu rokukuchengetedza

ukava pamusoro pegomo rinoera raTenzi.

Pakati pemabwe omoto

ndipo pawaifamba napo.

15Wakanga usina chinongo mukuita kwako

kubvira panguva yawakasikwa

kudzamarara pakuzowanikwa uipi mauri.

16Mukuwanda kwemhindu

dzako dzokutengeserana

wakazara utsinye ukazoita chitadzo.

Ipapo ndakakukanda pasi

sechinhu chakan'ora zvacho

kubva pagomo raMwari.

Ipapo kerubhu rokuchengetedza

rakazokudzinga pakati pamabwe omoto.

17Wakava nomwoyo wokuzvikudza

pamusana porunako rwako;

wakaodza ungwaru hwako

uchifuririka nomukurumbira wako.

Ndakakunda pasi ndikakuisa pachena zvapo

panotoonekwawo namamwe madzimambo

kuti vakutarise zvavo.

18Nokunyanyawo kwakanga kwaita

kuipa kwako mukushaya kwako nduramo

pamhindu dzako dzokutengeserana

wakan'oresa Nzvimbo dzako Dzinoera.

Naizvozvo ndakatungidza moto

mukati mako ukakuroromesa

ndikakuita madota zvawo ari pasi

mumaziso mevose vaikuona.

19Vose zvavo vanokuziva

mukati memarudzi avanhu,

vakadumbirwa nezvako

wasvika pamugumo wakaipa

uye hauchazovipo narini wose.”

Chiporofita chakanangana neguta reSidhoni

20Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

21“Iwe mwanakomana womunhu chinangana neSidhoni uporofite wakanangana neguta iroro uchiti:

22“Zvanzi naTenzi Mwari,

‘Chinzwa, ndanangana newe iwe Sidhoni.

Ndichaonesa mbiri yangu mukati mako imomo.

Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi

pandicharitemera chirango charo

ndicharatidza kuera kwangu mariri.

23Ndinodaro nokuti

ndichatumira denda kwariri

nokudeuka kweropa mumigwagwa yaro.

Vanenge vaurayiwa

vachati rakata mukati maro

nebakatwa rinenge rorirwisa

kumativi ose zvawo.

Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.’

Isiraeri ichakomborerwa

24“Zvino kana zviri zvemba yaIsiraeri hakuzombovizve norukato runobaya kana munzwa unovakuvadza pakati pavavakagarisana navo vaimbovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari.”

25Zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakokorodza veimba yaIsiraeri mukati memarudzi mavakapararira ndichiratidza kuera kwangu mavari mumaziso mendudzi idzodzo, vachazogara munyika yavo yandakapa kuna Jakobho muranda wangu.

26Ivo vachagara pasina chinovawana mairi; vachavaka dzimba vachisima minda yamagirepisi. Vachagara zvavo pasina chinovawana pandicharanga vavakagarisana navo vose ivo vaya vakambovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari wavo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help