Judhisi Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku raJudhisi rinotaura nezvorungano rwokubatsira vaJudha kuti varambe vachivimba naMwari nguva dzose varege kurasa mwoyo. Bhuku iri ndiro rimwe ramabhuku anonzi nechiHebheru haggadah akaita samamwe mabhuku ari muzvinyorwa zvavaJudha rinonzi Talmud akanyorerwa kupa chidzidziso kuvanhu. Bhuku iri rinoisa vanhu vechiJudha munguva yaNebhukadhineza mambo wenyika yeAsiria, mambo aityisa zvikuru. Hondo yake yaitungamirirwa naHorofenesi aidederesa kwazvo. Panguva yakanga vaJudha rangova jemedzanwa nokutya vaSiria, Mwari akashandisa Judhisi, mumwe mudzimai munamati chaiye kuuraya Horofenesi zvikaita kuti hondo yose yeAsiria iite bararamhanya kutiza. VaJudha vakabuda muguta ravo vakandopamba zvakanga zvasiiwa nehondo yaHorofenesi.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJudhisiVaJudha vanopinda mupfumvu yokuparadzwa (1:1—7:32)Judhisi anouraya Horofenesi (8:1—14:19)Kukunda kweIsiraeri (15:1—16:25)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help