Nziyo 23 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaDhavhidhi.Mufudzi wakanaka

1TENZI ndiye mufudzi wangu

hapana chandinoshaya

2anondirarisa mumafuro manyoro.

Achinditungamirira kumvura inozorodza.

3Anondimutsiridza mwoyo

achinditungamirira munzira dzoururami

pamusana pezita rake.

4Kunyange ndikafamba mumupata

werima rakati kwirindindi

handingatyi chakaipa

nokuti imi muneni.

Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu

zvinondinyaradza.

5Munondigadzirira tafura pamberi pangu

vavengi vangu vachiona,

munozora musoro wangu mafuta,

mukombe wangu unotofashukira.

6Chokwadi kunaka kwenyu nomwoyochena wenyu

zvicharamba zvineni upenyu hwangu hwose

uye ndichagara mumba maTENZI nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help