Zekariya Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Zita rokuti Zekariya rinoreva kuti Mwari anoyeuka. Bhuku raZekariya rinoratidza kuti rakanyorwa nomunhu aiva muJerusaremu. Rine zvikamu zviviri, chokutanga (1—8) nechechipiri (9—14) Chokutanga akachinyora achikurudzira vaIsiraeri vakanga vadzoka kuutapwa kuti vatendeukire kuna Mwari uye kuti vavakezve Temberi yaMwari. Apedza kuoneswa zviratidzo zvisere akapiwa zvirevo zvaMwari zvina. Mwari aitsoropodza kunamata kwavo (7:4–7) achivayeuchidza kusateerera kwavo (7:8–14), achifanovataurira kudzorerwa pakare kwaizoitwa zvinhu nokuzonyaradzwa kwavo (8:1–7) uye rufaro rwakanga rwuchiuya. Chikamu chechipiri chinotaura nezvokuuya kwaMesia nokutongwa kwokugumisira.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raZekariyaZviratidzo zvisere (1:1—6:15)Tendeukai (1:1–6)Zviratidzo zvisere (1:7—6:8)Joshuwa anogadzwa umambo (6:9–15)Mashoko aMwari mana (7:1—14:21)Kuzvinyima zvokudya (7:1—8:23)Zvinetso Zviviri (9:1—9:12)Kuramba Mesia (Kristu) (9:1—14:21)Kutonga kwaMesia (9:1–12)