Johani 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Asi Jesu akaenda kugomo remuorivhi.

2Mangwanani ngwanani, akaendazve kuTemberi. Vanhu vose vakauya kwaari akagara pasi achivadzidzisa.

3Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamumisa pakati vakati kuna Jesu,

4“Mudzidzisi mukadzi uyu abatwa ari mukuita upombwe.

5Zvino muMutemo, Mosesi akati tinofanira kutaka namabwe munhu akadai. Zvino imi munoti kudii naye?”

6Izvi vakataura vachida kuti vamunzwe kuitira kuti vawane mhosva yokumupa. Jesu akakotama akanyora pasi nomunwe wake.

7Pavakaramba vachingomubvunza akati twasu kumira ndokuti kwavari, “Uyo asina chitadzo pakati penyu ngaatange kumukanda dombo.”

8Ndokukotamazve onyora pasi nomunwe wake.

9Pavakazvinzwa vakaita rumwerumwe kubuda kuchitanga navakuru vacho. Jesu akasiiwa angova oga nomukadzi uya amire pamberi pake.

10Jesu akasimudza musoro akati kwaari, “Nhai mudzimai iwe vari kupi vaya? Hakuna neakupa mhosva here?”

11Iye akati, “Hapana changamire.” Jesu akati, “Kana neniwo handikupi mhosva chienda hako usazotadzazve.”

Jesu mwenje wapasi

12Jesu akataurazve kwavari achiti,

“Ndini mwenje wapasi

anonditevera haafambi murima

achave nechiedza choupenyu.”

13VaFarisei vakati kwaari, “Uri kuzvipupurira. Kuzvipupurira kwako hakusi kwechokwadi.”

14Jesu akapindura achiti,

“Kunyange zvangu ndichizvipupurira,

kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi

nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda,

asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda.

15Imi munotonga namatongero avanhu,

ini hapana wandinotonga ndichidaro.

16Kunyange dai ndaitonga zvangu,

kutonga kwangu ndekwechokwadi

nokuti handitongi nokwangu ndoga,

asi pamwechete naiye wakandituma.

17Mumutemo wenyu makanyorwa kuti

uchapupu hwavaviri ndehwechokwadi.

18Ndinozvipupurira

uye Baba vakandituma vanondipupurirawo.”

19Vakati kwaari, “Ivo Baba vako varipiko?” Jesu akavapindura achiti,

“Hamundizivi uye hamuzivi Baba vangu.

Dai maindiziva mazivawo Baba vangu.”

20Mazwi aya akaataura ari nechekwaichengeterwa mari achidzidzisa ari muTemberi. Asi hapana akamusunga nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

21Akatizve,

“Ndava kuenda, imi muchanditsvaka

asi muchafira muzvitadzo zvenyu.

Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.”

22VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?”

23Akati kwavari,

“Imi munobva pasi,

ini ndinobva kumusoro,

imi muri vapasi pano,

ini handisi wapasi pano.

24Ndakutaurirai kuti

muchafira muzvitadzo zvenyu

kunze kwokunge matotenda kuti,

‘Ndiri iye wandiri.’ ”

25Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari,

“Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga.

26Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu,

uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo.

Asi iye akandituma ari pachokwadi

saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.”

27Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba.

28Naizvozvo Jesu akati kwavari,

“Kana masimudza Mwanakomana womunhu

ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’

uye kuti handiiti zvomusoro wangu

asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba.

29Iye akandituma aneni.

Haana kundisiya ndiri ndoga

nokuti ndinogaroita zvinomufadza.”

30Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari.

Kusiyana kwenhapwa navavo vari murusununguko

31Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari,

“Kana mukagara muchichengeta izwi rangu,

muri vadzidzi vangu chaivo

32uye muchaziva chokwadi,

uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.”

33Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?”

34Jesu akavapindura achiti,

“Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri,

munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo.

35Mumhuri, muranda mupfuuri chete,

asi mwana ndewemo nokusingaperi.

36Saizvozvo kana Mwanakomana

akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere.

37Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu,

asi munoda kundiuraya

nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri.

38Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu.

Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.”

39Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati,

“Dai muri vana vaAbhurahamu

mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu.

40Asi zvino munoda kundiuraya;

ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi

chandakanzwa kuna Mwari.

Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu.

41Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.”

Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.”

42Jesu wakavati,

“Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida

nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva.

Handina kungouyawo zvomusoro wangu

asi iye ndiye akandituma.

43Hamunzwisisi sei zvandinotaura?

Chikonzero ndechokuti

imi hamudi kunzwa zvandinoreva.

44Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori

uye chamakasarudza,

kuita zvinodiwa nababa venyu.

Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga,

uye haanei nechokwadi

nokuti maari hamuna chokwadi.

Kana achireva nhema,

ari kutotaura maererano nezvaari

nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo.

45Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi.

46Ndiani pakati penyu

anganditi ndine mhosva yechitadzo?

Ko zvino kana ndichitaura chokwadi

ngei musingatendi mandiri.

47Munhu waMwari

anonzwa zvinotaurwa naMwari

nezvo imi hamuzvinzwi

nokuti hamusi vanhu vaMwari.”

Jesu naAbhurahamu

48VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatina kutaura chokwadi here isu kuti iwe uri muSamaria, uye kuti una mweya wakaipa?”

49Jesu akapindura achiti,

“Ini handina mweya wakaipa.

Ini ndinoremekedza Baba vangu

asi imi munondishora.

50Asi ini handitsvaki mbiri yangu

asi aripo mumwe anonditsvakira

iyeyo ndiye achava mutongi.

51Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri

munhu akachengeta shoko rangu

haambofa akaona rufu.”

52VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu.

53Uri mukuru here pana baba vedu Abhurahamu akafa iwe uye vaporofita vakafa? Unozviti ani iwe?”

54Jesu akati,

“Ini ndikazvirumbidza

mbiri yangu haina maturo,

Baba vangu ndivo vanondirumbidza,

ivo vamunoti ndivo Mwari wenyu.

55Imi hamundizivi

asi ini ndinovaziva.

Kana ndikati handizivi,

ndingatova munyepi semi;

asi ini ndinovaziva

uye ndinochengeta izwi ravo.

56Tateguru venyu Abhurahamu

vakafarira kuti dai aizongoonawo nguva yangu

akaiona akafara.”

57VaJudha vakati kwaari, “Iwe hausati wava namakore makumi mashanu ndopaungati wakaona Abhurahamu iwe?”

58Jesu akavati,

“Zvechokwadi chaizvo

Abhurahamu asati ambovapo

INI NDIRI.”

59Naizvozvo vakanonga matombo kuti vamutake nawo asi Jesu akavanda akabva abuda muTemberi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help