Isaya 25 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rwiyo rwokurumbidza

1Imi Tenzi, ndimi Mwari wangu,

ndinokukudzai ndichirumbidza zita renyu,

nokuti makaita zvinhu zvinoshamisa

zvamakaronga kare kare

zvino kutendeseka kwechokwadi;

2nokuti makaita kuti guta rive murwi

guta retsvingo rive dongo

muzinda wavanozvikudza

hauchisiri guta

hauchazombovakwa.

3Naizvozvo vanhu vane simba

vachakurumbidzai,

maguta avanhu voutsinye

achakutyai

4nokuti ndimi diziro ravarombo,

botero ravanhu vasina chavanacho,

dumba rokuhwanda dutu

nomumvuri wokuhwanda zuva

nokuti kufemuruka kwemunhu ane utsinye

kunenge dutu riri kurovera kurusvingo

5sokupisa kwenzvimbo yakaoma.

Munonyaradza ruzha rwemabvakure

sokutonhodza kunoita gute kupisa

saizvozvo ndokunyaradzwa kunoitwa

nziyo dzemunhu ane utsinye.

Mwari anogadzirira vanhu vose mabiko paGomo reZioni

6Pagomo irori, Tenzi wehondo nehondo achaitira ndudzi dzose dzavanhu mabiko ezvakakora, mabiko ewaini isina kana kasese, mabiko ezvakakora zvizere mwongo ewaini yamasese akanyatsosvinwa.

7Achaparadza pagomo irori chakaputira marudzi ose, dandadzi rakaputira ndudzi dzose dzavanhu.

8Achatsakatisa rufu nokusingaperi, uye Tenzi, Tenzi achapukuta vose musodzi pamatama, uyewo achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake pasi pose, nokuti Tenzi ndiye azvireva.

9Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.”

Kuranga kuchaita Mwari nyika yeMoabhu

10Simba roruoko rwaMwari richava pagomo irori, asi Moabhu achatsokodzerwa munzvimbo make sokutsokodzerwa kunoitwa mashanga mudanga.

11Achatambanudza maoko ake ari mukati maro sokutambanudza kunoita munhu anenge oda kushambira, asi Tenzi achaninipisa kuzvikudza kwake ikoku pamwechete noumhizha hwamaoko ake.

12Nhare ndefu dzokuzvidzivirira muhondo dzamasvingo ake achadzikoromora achidziparadza achidzirigira pasi pavhu chaipo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help