Zvakaratidzwa 9 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Bhosvo rechishanu

1Mutumwa wechishanu akaridza bhosvo rake.

Ndakabva ndaona nyenyedzi yakawira pasi kubva kudenga

yakanga yapiwa kiyi yeziburi

regomba risina parinoperera.

2Akazarura ziburi riya regomba risina parinoperera.

Muziburi iroro makatogoka

utsi hunenge hwevira guru romoto.

Zuva nomunga'mu zvakabva zvati ndindo kusvipa

noutsi hwomuziburi riya.

3Muhutsi ihwohwo makabuda mhashu panyika

dzakapiwa simba rinenge ramarize apanyika.

4Dzakaudzwa kuti dzisaparadze uswa hwenyika

kana chii zvacho chinyoro kana muti zvawo,

asi kuti dziparadze vanhu vasina mucherechedzo

waMwari pahuma dzavo.

5Dzakabvumirwa kuvaonesa nhamo

kwemwedzi mishanu dzisingavaurayi.

Kurwadza kwadzo kwaiita

sokurwadza kwerize kana raruma munhu.

6Pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu vasingaruwani

vachasuwira kufa, asi rufu ruchatiza.

7Mhashu idzodzo dzakanga dzakaita

samabhiza aronganirana hondo.

Pamisoro yadzo pakanga paine

zvairatidzika sendaza dzendarama.

Zviso zvadzo ungati vanhu.

8Mvere dzadzo ungati ivhudzi ravakadzi,

mazino adzo, ungati mazino eshumba chaiwo.

9Makwakwambi adzo waitoti zvidemautare

zvesimbi zvokuzvidzivirira nazvo muhondo.

Irwo ruzha rwamapapiro adzo waiti ingoro dzehondo

dzina mabhiza ava kumhanyira muhondo

10dziine miswe inenge yamarize inoruma

uye simba radzo rokukuvadza vanhu

kwemwedzi mishanu riri mumiswe yadzo iyoyo.

11Mambo wadzo aiva mutumwa uya

wegomba risina parinoperera.

Zita rake muchiHebheru rinonzi Abhadhoni

muchiGiriki richinzi Aporioni.

12Nhamo yokutanga ndipo painoperera apa.

Dzimwe nhamo mbiri dziri kuuya.

13Mutumwa wechitanhatu akaridza bhosvo rake

ndikanzwa izwi robva kune zvinenge nyanga zvina zviya

zvapaatari yendarama

iri pamberi paMwari

14richiti kumutumwa wechitanhatu uya

ainge ane bhosvo,

“Sunungura vatumwa vana

vakasungwa parwizi rukuru rwaYufuratesi.”

15Vatumwa vaya vana vakasunungurwa

vakanga vakamisirwa nguva nezuva nemwedzi negore

rokuuraya naro chikamu chechitatu chavanhu.

16Varwi vamabhiza vaiva gumi ramazana

rakapetwa kaviri

rigopetwazve kanosvika gumi ramazana;

ndakanzwa uwandu hwavo.

17Uku ndiko kuona kwandakaita

mabhiza iwayo muchiratidzo changu.

Vatasvi ivavo vakanga vakapfeka mademautare

okuzvidzivirira nawo muhondo

oruvara rwomoto nesafaya nesarufa.

Misoro yamabhiza iwayo yainge misoro yeshumba,

mumiromo yawo muchitogoka moto noutsi nesarufa.

18Chikamu chechitatu chavanhu

chakauraiwa nepfumvu idzodzi nhatu

dzomoto noutsi nesarufa

zvichibva mumiromo yawo

19nokuti simba ramabhiza iwayo

raiva mumiromo yawo nomumiswe yawo.

Miswe yawo yakanga yakaita senyoka

ine misoro inokuvadza.

20Vamwe vanhu vose vakasara vaya,

vasina kuuraiwa namatenda iwayo

havana kuregera rubatabata rwavo rwuya

rwokunamata mweya yakaipa nokunamata zvifananidzo

zvendarama nezvesirivha

nezvendarira nezvamatombo nezvemiti

zvisingakwanisi kuona kana kunzwa kana kufamba.

21Havana kuregera humhondi hwavo

nouroyi hwavo noupombwe hwavo

kana umbavha hwavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help