Joeri Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Bhuku raJoeri rakanyorwa nyika yeIsiraeri yapinda nhamo yokuvingwa nehwiza kana kuti mhashu dzakawanda kwazvo nenzara huru yakabva yateverana nadzo. Muna izvozvo, Joeri akaona chiri chiratidzo chezvakanga zvichawira Isiraeri zvehondo yakanga ichauya ina vanhu vakawanda kwazvo. Muporofita Joeri anokurudzira vaIsiraeri kutendeukira kuna Mwari vachinamata nokutsanya. Izvozvi ndizvo zvichaponesa Isiraeri. Asi anotaura kuti ruponeso irworwo rwuchasvitswa kuna vanhu vose vapanyika. Mwari achadururira Mweya Mutsvene wake pavanhu vose varume navakadzi, vakuru navadiki (2:28–29).Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJoeriNhamo yemhashu dzakawanda kwazvo (1:1—2:27)Zuva raTENZI (2:28—3:21)