1 Nhoroondo 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

II: DHAVHIDHI MUVAMBI WAMANAMATIRWO OMUTEMBERIA. MAMBO DHAVHIDHIKugadzwa kwakaitwa Dhavhidhi umambo hweIsiraeri yose(2 Sam 5:1–10)

1VokwaIsiraeri vose vakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni vakati, “Zvamunoona izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi.

2Kare kaya, kunyange Sauro paakanga achiri mambo, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamiririra Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi, Mwari wenyu akakutii, ‘Imi ndimi muchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri, muchava ishe weIsiraeri.’ ”

3Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni, ikoko pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waSamueri.

Kukurirwa kweguta reJerusaremu rainzi Jebhusi

4Dhavhidhi neIsiraeri yose vakaenda kuJerusaremu ndiro guta rimwechetero rinonzi Jebhusi, kwaiva navaJebhusi vagari vomunyika iyoyo.

5Vagari vomuJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi.” Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira guta retsvingo reZioni ndorakarero rinonzi Guta raDhavhidhi.

6Dhavhidhi akati, “Anenge angoita wokutanga kurwisa vaJebhusi ndiye achava changamire nomutungamiriri wehondo.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akabva ava wokutanga kukwirako nokudaro akabva ava changamire.

7Dhavhidhi akagara munzvimbo yokuhwanda hondo, ndokusaka rakatumidzwa zita rokuti Guta raDhavhidhi.

8Akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pachimudhuri chemavhu kutenderera rose. Joabhu akagadzira kumwe kwose kweguta iri kwakanga kwasara.

9Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, wehondo nehondo aiva naye.

Magamba omuhondo yaDhavhidhi(2 Sam 23:8–39)

10Zvino vano ava ndivo vakuru vakuru vemagamba aDhavhidhi okurwa hondo vaimutsigira kwazvo muumambo hwake pamwechete neIsiraeri yose kuti ave mambo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nezveIsiraeri.

11Iyi ndiyo nhoroondo yemagamba aDhavhidhi okurwa hondo: kunoti Jashobheamu wokuHakimoni. Pautatu hwavo ndiye aiva mukuru. Akarwisa mazana matatu avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete.

12Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho wokuAhohi.

13Ndiye akanga aina Dhavhidhi kuPasidhamimu kwakanga kwaunganwa nevaFirisitia kuzorwa hondo. Pakanga paine munda waiva nekoroni. Varwi ndopavakadzvamuka kutiza vaFirisitia.

14Ivo vakamira nomunda iwoyo vachiudzivirira vakauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuvanunura.

15Pavakuru–vakuru makumi matatu vamwe vavo vatatu vakasvika kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuromu. Izvozvo matendhe evaFirisitia akanga akadzikwa mubani revaRefaimu.

16Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBetirehemu.

17Dhavhidhi akanzwa nenyota akati dai waro pangowana mumwe anonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuwo guru raro.

18Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe evaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi asi Dhavhidhi akaramba kuinwa akaiteurira pasi kuna Tenzi

19achiti, “NaMwari wangu chaiye, handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai. Iropaka iri upenyuka uhu hwavanhu vaendako, nokuti vatopinzaka ava upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa namagamba matatu aya.

20Abhishai munun'una waJoabhu ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira zita pamwechete navatatu vaya.

21Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru-mukuru wavo, asi pavatatu vaya haana kupasvika.

22Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzieri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando.

23Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo, ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro.

24Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira zita pamwechete namagamba matatu aya.

25Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya haana kupasvika. Dhavhidhi akamuita mukuru-mukuru wevokuchengetedza iye mambo.

26Magamba okurwa muzvikwata zvavo zvehondo ndeaya anoti:

Asheri munun'una waJoabhu

naErihanani mwanakomana waDhodho wokuBetirehemu

27naShamoti wokuHarodhi

naHerezi wokuPeroni

28naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekowa

naAbhiezeru wokuAnatoti

29naSibhekai muHushati

naIrai muAhohi

30naMaharai wokuNetofa

naHeredhi mwanakomana waBhaana wokuNetofa

31naItai mwanakomana waRibhai

wokuGibheya kwaBhenjamini

naBhenaya wokuPiratoni

32naHurai wokumakoronga wokuGaashi

naAbhieri muAribhati

33naAzimavheti wokuBhaharumu

naEriyabha wokuShaoribhoni

34navanakomana vaHashemu wokuGizoni

naJonatani mwanakomana waShage wokuHarari

35naAhiyamu mwanakomana waSakari wokuHarari

naErifari mwanakomana waUru

36naHeferu muMumekeri

naAhiya muPeroni

37naHeziro wokuKarimeri

naNaarai mwanakomana waEzibhai

38naJoeri mukoma nomunun'una naNatani

naMibhari mwanakomana waHagiri

39naZereki muAmoni

naNaharai wokuBheroti mutakuri wezvombo

zvehondo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya

40naIra wokuItira

naGarebhu wokuItira

41naUriya muHiti

naRabhadhi mwanakomana waAhirai

42naAdhina mwanakomana waShiza wokuRubheni

aiva mutungamiriri wokwaRubheni,

chikwata chake chiri makumi matatu avanhu

43naHanani mwanakomana waMaaka

naJoshafati muMitini

44naUziya wokuAshiteroti

Shama naJeieri vanakomana vaHotamu wokuAroero

45naJedhiyaeri mwanakomana waShimiri

nomunun'una wake Jaha muTizi

46naErieri wokuMahavhi

naJeribhai naJoshavhiya vanakomana vaErinaamu

naItima wokuMoabhu

47naErieri naObhedhi naJaasieri wokuMezobha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help