Ezekieri Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Ezekieri akatakurwa akaendwa naye kuutapwa kuBhabhironi asati ambodaidzwa naMwari kuti ave muporofita waMwari. Saizvozvo iye ndiye muporofita wokuutapwa. Nezvo bhuku raakanyora rinotanga nokutaura kuvanhu vari munhamo youtapwa ikoko achivanyaradza. Asi rinotsoropodzawo vaJudha vakanga vasara kuJerusaremu richiti vaporofita variko vaporofita venhema, vakuru vakuru vavo vanonamata vamwe vamwari, vaJudha vava somukadzi asina kutendeka kana somugirepisi usingabereki. Ivo ndivo vane mhosva yezvitadzo zvavo zvavacharangirwa kwete zvamadzibaba avo. Nyika dzakavakidzana neIsiraeri (Amoni, neMoabhu, neEdhomu neFirisitia) (25–28) neIjipiti (29:32), kunyange zvadzo dzichiseka dzimwe nyika dzichakombwawo dzigoparadzwa. Mushure mokuparadzwa kweJerusaremu, Ezekieri anotangisa kunyaradza vaIsiraeri nemienzaniso; sewebani ramapfupa (37). Panze pokuwana vafudzi venhema, Isiraeri ichawana mufudzi chaiye wechokwadi.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raEzekieriKudaidzwa kwaEzekieri (1:1—3:27)Shoko rokuparara kuchaita Jerusaremu (4:1—24:27)Mwari anotonga vechirudzi (25:1—32:32)Chitsidzo chaMwari kuvanhu vake (33:1—37:28)Chiporofita chakanangana naGogu (38:1—39:29)Chiratidzo cheTemberi itsva (40:1—48:33)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help