Sira 46 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Joshuwa

1Joshuwa, mwanakomana waNuni, aiva murwi akashinga,

ndiye akatora nzvimbo yaMosesi pabasa rouporofita.

Akakodzera kuva nezita rinoreva kuti Muponesi,

nokuti akava muponesi mukuru wavanhu vorudzi

rwakasarudzwa naMwari kuti vave vake.

Akatsividza vavengi vakavamukira,

kuitira kuti apinze vaIsiraeri munhaka yavo.

2Hakusi kufadza kwazvaiita ikoko,

paaisimudza maoko ake,

achinongedza nebakatwa maguta aainge oda kurwisa.

3Ndiani akambosimbirira saiye?

Iye akarwa hondo dzaMwari.

4Handiti ndiye, noruoko rwake,

akamisa zuva kuti rirege kufamba,

musi mumwechete ukava misi miviri?

5Zvaakanga akakombwa navavengi kumativi ose,

akakumbira kuna Mwari Wokumusorosoro Samasimba

Mwari, Tenzi Mukuru, akamupindura nokutuma chimvuramahwe

chaiva nesimba risina naakamboona.

6Akarwisa vanhu vorudzi rwakanga ruchimuvenga,

ndokupedzera vavengi vaisimba kurwa naye kumutenure

wokuBhetihoroni,

kuti vamamwe marudzi vagozvionera

simba rehondo yake pavari,

uye, kuti vazive kuti

Tenzi ndiye wavakanga vachirwisa.Karebhi

7Airwa achitungamirirwa naSamasimba,

pamazuva aMosesi, akaita zvinhu zvakarurama,

iye naKarebhi, mwanakomana waJefune,

vakamira kwazvo,

vakadzivisa gungano rose

kutadzira Mwari nokuvanyaradza kun'urun'uta kwavo kwakaipa.

8Ndosaka ivava voga vaviri ndivo vakachengetedzwa

pavanhu mazana matanhatu ezviuru vavaifamba navo.

Vakazondopinzwa munyika yavakanga vapikirwa,

munyika yomukaka nouchi.

9Mwari akasimbisa Karebhi,

kusvikira pauharahwa hwake,

zvokuti akakwanisa kukwira munyika yamakomo

vana vake vakaitora kuva nhaka yavo,

10kuitira kuti vana vose

vaIsiraeri vaone kuti kutevera

Mwari chinhu chakanaka.

Vatongi

11Zvino kwouyawo vatongi, namazita avo

akasiyana–siyana,

vasina kumbotorwa mwoyo nokunamata vamwari vasirivo

kana kumbofuratira Mwari.

Ngativayeukei norukudzo.

12Mapfupa avo ngaave noupenyu mumakuva avo.

Dai mazita avanhu ava vakaita

mukurumbira aramba ari mapenyu

muvana vavo.

Samueri

13Samueri, muprofita mudikani wapamwoyo paMwari

ndiye akavamba umambo hweIsiraeri

akazodza madzimambo okutonga vanhu vake.

14Iye aitonga gungano irori

maererano noMutemo waMwari,

Tenzi akachengetawo vokwaJakobho.

15Nokutendeka kwake zvakaoneka kuti muporofita

namazwi ake muoni wakatendeka.

16Paainge akombwa navavengi kumativi ose,

akachema kuna Tenzi Samasimbaose,

uye akapira chibairo chehwayana yainge ichiri kuyamwa.

17Mwari ndokubva adhiriridza kudenga

izwi rake rikanzwika nokutinhira kukuru

18akaparadza vatungamiri veTire,

namachinda ose avaFirisitiya.

19Asati aenda kuzororo rake risingaperi,

Samueri akataura, Mwari nomuzodzwa wake vachinzwa,

kuti, “Handina kumbotora chinhu chomunhu

kunyange shangu zvadzo dzomunhu.

Hapana kana munhu akamupa mhosva.”

20Kunyange paakanga afa, akaporofita

akazivisa mambo Sauro pfiro yake;

akadaidzira neizwi rake richibva muvhu, achiporofita,

kuti adzime uipi hwavanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help