1Joshuwa, mwanakomana waNuni, aiva murwi akashinga,
ndiye akatora nzvimbo yaMosesi pabasa rouporofita.
Akakodzera kuva nezita rinoreva kuti Muponesi,
nokuti akava muponesi mukuru wavanhu vorudzi
rwakasarudzwa naMwari kuti vave vake.
Akatsividza vavengi vakavamukira,
kuitira kuti apinze vaIsiraeri munhaka yavo.
2Hakusi kufadza kwazvaiita ikoko,
paaisimudza maoko ake,
achinongedza nebakatwa maguta aainge oda kurwisa.
3Ndiani akambosimbirira saiye?
Iye akarwa hondo dzaMwari.
4Handiti ndiye, noruoko rwake,
akamisa zuva kuti rirege kufamba,
musi mumwechete ukava misi miviri?
5Zvaakanga akakombwa navavengi kumativi ose,
akakumbira kuna Mwari Wokumusorosoro Samasimba
Mwari, Tenzi Mukuru, akamupindura nokutuma chimvuramahwe
chaiva nesimba risina naakamboona.
6Akarwisa vanhu vorudzi rwakanga ruchimuvenga,
ndokupedzera vavengi vaisimba kurwa naye kumutenure
wokuBhetihoroni,
kuti vamamwe marudzi vagozvionera
simba rehondo yake pavari,
uye, kuti vazive kuti
Tenzi ndiye wavakanga vachirwisa.Karebhi
7Airwa achitungamirirwa naSamasimba,
pamazuva aMosesi, akaita zvinhu zvakarurama,
iye naKarebhi, mwanakomana waJefune,
vakamira kwazvo,
vakadzivisa gungano rose
kutadzira Mwari nokuvanyaradza kun'urun'uta kwavo kwakaipa.
8Ndosaka ivava voga vaviri ndivo vakachengetedzwa
pavanhu mazana matanhatu ezviuru vavaifamba navo.
Vakazondopinzwa munyika yavakanga vapikirwa,
munyika yomukaka nouchi.
9Mwari akasimbisa Karebhi,
kusvikira pauharahwa hwake,
zvokuti akakwanisa kukwira munyika yamakomo
vana vake vakaitora kuva nhaka yavo,
10kuitira kuti vana vose
vaIsiraeri vaone kuti kutevera
Mwari chinhu chakanaka.
Vatongi11Zvino kwouyawo vatongi, namazita avo
akasiyana–siyana,
vasina kumbotorwa mwoyo nokunamata vamwari vasirivo
kana kumbofuratira Mwari.
Ngativayeukei norukudzo.
12Mapfupa avo ngaave noupenyu mumakuva avo.
Dai mazita avanhu ava vakaita
mukurumbira aramba ari mapenyu
muvana vavo.
Samueri13Samueri, muprofita mudikani wapamwoyo paMwari
ndiye akavamba umambo hweIsiraeri
akazodza madzimambo okutonga vanhu vake.
14Iye aitonga gungano irori
maererano noMutemo waMwari,
Tenzi akachengetawo vokwaJakobho.
15Nokutendeka kwake zvakaoneka kuti muporofita
namazwi ake muoni wakatendeka.
16Paainge akombwa navavengi kumativi ose,
akachema kuna Tenzi Samasimbaose,
uye akapira chibairo chehwayana yainge ichiri kuyamwa.
17Mwari ndokubva adhiriridza kudenga
izwi rake rikanzwika nokutinhira kukuru
18akaparadza vatungamiri veTire,
namachinda ose avaFirisitiya.
19Asati aenda kuzororo rake risingaperi,
Samueri akataura, Mwari nomuzodzwa wake vachinzwa,
kuti, “Handina kumbotora chinhu chomunhu
kunyange shangu zvadzo dzomunhu.
Hapana kana munhu akamupa mhosva.”
20Kunyange paakanga afa, akaporofita
akazivisa mambo Sauro pfiro yake;
akadaidzira neizwi rake richibva muvhu, achiporofita,
kuti adzime uipi hwavanhu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.