Ezekieri 24 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Jerusaremu poto zvayo yakaora nengura

1Mugore rechipfumbamwe mumwedzi wegumi pamusi wechigumi wemwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

2“Iwe mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva ranhasi, iro ranhasi chairo. Mambo weBhabhironi atokomba Jerusaremu iye nhasi uno chaiye.

3Zvino wochitaura nomuenzaniso kumba yavapanduki uvati zvanzi naTenzi Mwari,

“Gadzai poto, gadzai poto pamoto

mudirewo mvura mairi.

4Rongererai mairi nhindi dzenyama,

nhindi dzose dzakanaka dzenyama

dzechidya nedzebandauko,

muiti pamu pamu kuzadza

namapfupa akanakisisa ayo

5mutore chipfuwo chakanakisisa chomudanga

murongerere huni pasi pacho

mubike nhindi dzacho,

mapfupa acho abikei pamwechete nacho.”

6Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichakuwana, iwe guta rinodeura ropa, iyewe poto ine ngura, ngura isina kumbopera. Chachurai mukati mayo nhango nenhango pasina zvokuswerosarudza

7nokuti ropa raro rakadeurwa richiri mukati maro. Rakariisa paruware pachena zvapo. Harina kudira ropa iroro pasi kuitira kuti rifushirwe zvaro nevhu.

8Ndakaisa ropa rarakadeura racho paruware pachena zvapo kuitira kuti rirege kufushirwa kuitira kuti hasha dzangu dzigomuka ndigotsividza.”

9Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichariwana guta rokudeura ropa. Ndichaita kuti pave nezirimi romoto.

10Unganidzai matanda mubatidze moto mubike zvakanaka nyama mukune muto wayo murege mapfupa atsve.

11Gadzai poto yacho pamazimbe omoto isina chinhu mukati kuitira kuti ipise, mhangura yayo itsvuke kuitira kuti tsvina yayo yainayo inyongodeke; ngura yayo iroromeswe.

12Chandakanetera hapana apa, ngura yacho yakanyanyisa haibve nomoto.

13Ngura yacho kushaya hunhu hwako nokuti ndingadai ndakatokuchenura asi hauna kuzochenurwa kuuipi hwako. Hausi kuzochenurwa kusvikira hasha dzangu pauri dzapera.

14Ndini Tenzi ndataura! Zvichatoitika ndichazviita! Handisi kuzodzokera shure! Handisi kuzonzwira tsitsi! Handisi kuzodzora mwoyo. Uchatongwa zvinofambiranawo nokuita kwako uye nezviito zvako.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Rufu rwomudzimai waEzekieri, chiratidzo kuvaIsiraeri

15Izwi raTenzi rakauyawo kwandiri richiti,

16“Iwe mwanakomana womunhu, chinzwaka, ini ndava kukutorera iye paswerameso wako chaiye kamwe kamwe nedenda. Asi iwewe haufaniri kuungudza kana kuhwihwidza kunyange kusvimha misodzi.

17Tura befu zvisinganzwiki usacheme vakafa. Monerera nguwani yako upfeke shangu dzako mumakumbo. Usafukidze miromo kana kudya chokudya chaparufu.”

18Saizvozvo ndakataurira vanhu kumangwanani, kumanheru mudzimai wangu achibva afa. Mangwana acho mangwanani ndakaita sezvandakanga ndaudzwa.

19Ipapo vanhu vakati kwandiri, “Hamutiudzewo here kuti zvamuri kuita izvi zvinorevei kwatiri?”

20Ini ndakati kwavari,

21“Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati iti kumba yaIsiraeri zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ndichan'oresa Nzvimbo yangu Inoera, iyo yacho yamunoinzva nayo, iyo paswerameso yenyu iyoyo, pane mwoyo wenyu chaipo. Vanakomana navanasikana venyu vamakasiya vachafa nebakatwa rehondo.

22Muchaitawo sezvandaita. Hamuchazofukidza miromo yenyu kana kudya chokudya chaparufu.

23Muchange makapfeka nguwani dzenyu mumusoro, shangu dziri mumakumbo. Hamufaniri kuchema vakafa kana kuhwihwidza. Asi muchangoperezeka muuipi hwenyu muchigomera.

24Saizvozvi Ezekieri achava chiratidzo kwamuri. Zvaanenge aita ndizvo zvamuchaitawo. Kana izvi zvoitika muchabva maziva kuti ndini Tenzi Mwari.

25“Iwe mwanakomana womunhu, musi wandichavatorera musimboti wavo, chinovapa rufaro nembiri chacho, paswera meso pavo pane mwoyo wavo chaipo; uyewo vana vavo vakomana navasikana,

26musi iwoyo munhu anenge apunyuka achauya kwaari kuzokutaurira shoko racho.

27Musi iwoyo muromo wako uchazaruka kumunhu iyeyo anenge apunyuka, ugotaura, zvokuva chimumumu zvichibva zvapera. Saizvozvo uchave chiratidzo kwavari vagoziva kuti ndini Tenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help