Zvakaratidzwa 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Tsamba yokusangano rokuEfesusi

1“Nyorera mutumwa wesangano rokuEfesusi, mazwi ouyo akabata nyenyedzi nomwe muruoko rwake rworudyi uye anofamba mukati mezvigadzikiro zvomwenje zvinomwe zvendarama uti:

2“ ‘Ndinoziva mabasa ako

ndinozivawo kushingaira kwako nebasa nokutirira kwako

uye kuti haufarirani navanhu vakaipa.

Wakaedza avo vanozviti vapositori ivo vasiri

ukavaona kuti ndevenhema.

3Ndinoziva kuti uri kutirira chinyararire,

uchitirira zvako pamusana pezita rangu

uye usingamboneta.

4Asi chandinovenga mauri ndechichi,

chokuti wakakanda pasi rudo rwawaiva narwo pakutanga.

5Naizvozvo rangarira pawakakoromoka upinduke

uite mabasa awaiita pakutanga.

Kana usina kuita saizvozvo,

ndichauya kwauri ndigobvisa chigadzikiro chomwenje wako

panzvimbo pacho kusatoti watendeuka.

6Zvimwe zvimwewo zvazvo, chako chaunacho

ndechokuti unovenga mabasa

avateveri vaNikoraitesi andinovengawo

7uyo ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.

Uyo anokunda ndichamupa mvumo yokudya muti woupenyu

uri muparadhiso yaMwari.’

Tsamba yokuSangano reSimuna

8“Nyorera mutumwa wesangano rokuSimuna,

mazwi owokutanga nowokupedzisira,

akafa asi akazomuka.

9Nhamo dzako ndinodziziva

nourombo hwako ndinouziva;

asi iwe uri mupfumi zvako

uye ndinoziva kureverwa makuhwa kwaunoitwa

navavo vanozviti tiri vaJudha asi ivo vasiri,

chavari chaicho isangano raSatani.

10Usatye matambudziko awava kupinda.

Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda

vamwe venyu mujeri kuti muedzwe.

Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu.

Rambai makatendeka kusvikira pakufa.

Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu.

11Ane nzeve ngaanzwe

zviri kutaurwa naMweya kumasangano.

Uyo anokunda, rufu rwechipiri haruna charunomuita.

Tsamba yokuSangano rokuPerigamumu

12“Nyorera mutumwa wesangano rokuPerigamumu

mazwi ouyo ane bakatwa romucheka kose uti,

13‘Maunogara ndinomuziva,

mumuzinda waSatani

wakaramba wakangoti kwati–kwati nezita rangu.

Hauna kukanda pasi chitendero changu

kunyange pamazuva aAntipasi mupupuriri wangu.

Munhu wangu akatendeka,

uya akauraiwa pakati penyu mumusha imomo maSatani.’

14Asi ndine zvimwe zvishomanana zvandisingadi pauri.

Ikoko muna vamwe vanotevera chidzidziso chaBharamu

akarairidza Bharaki kufurira vaIsiraeri kuchitadzo

kuti vadye chokudya

chakanga chapirwa kuzvifanananidzo

uye kuita unzenza.

15Uyezve una vamwe vanotevera zvidzidziso zvevekwaNikoraitesi.

16Nezvo pinduka; pasina izvozvo,

ndichakuvinga ndizovarwisa nebakatwa romuromo wangu.

17Ane nzeve ngaanzwe

zviri kutaurwa naMweya kumasangano.

Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika.

Ndichamupawo dombo jena

nezita idzva rakanyorwa

padombo iroro,

zita risina anoriziva,

kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira.

Tsamba yesangano rokuTiatira

18“Nyorera mutumwa wesangano rokuTiatira

mazwi oMwanakomana waMwari

ana maziso anenge rimi romoto

anamakumbo akaita sendarira yakakwenenzverwa.

19Ndinoziva mabasa ako

norudo rwako nechitendero chako

nokushanda kwako nokutirira kwako

uye kuti mabasa ako okupedzisa anokunda okutanga.

20Asi chandisingadi pauri ndechichi

chokuti unoregerera mukadzi uyu Jezebhero

anozviti muporofitakadzi asi achidzidzisa nokufurira

varanda vangu kuita ufeve

nokudya chokudya chakapirwa kuzvifananidzo.

21Ndakamupa nguva yokuti apinduke

asi ari kuramba kusiyana nounzenza hwake.

22Ndichamurarisa pasi nedenda,

naavo vanoita ufeve naye

ndichavapinza mudambudziko rinorwadza

kusatoti vasiyana nezviito zvake.

23Vana vake ndichavaparadza norufu.

Masangano ose ndipo paachaziva

kuti ndini ndinoongorora

pfungwa nemwoyo womunhu

uye ndichakupai, mumwe nomumwe wenyu,

maererano nezviito zvake.

24Asi kunemi vamwe mose muri muTiatira imomo,

vasingatenderani nechidzidziso ichi,

vasina kudzidza zvinonzi navanhu

zvakadzama zvaSatani, ndinoti kwamuri

ini handichakuremedzai nomumwe mutoro

25asi kuti batisisai zvamuinazvo kusvikira ndauya.

26Uyo anokunda uye anoramba

ari pabasa rangu kusvikira pakupedzisira,

ndichaita kuti vechirudzi vave mumaoko ake.

27Iye achavatonga akavabatira shamhu yesimbi

achivapwanya zvokuti mwarara sehari dzevhu

sokugamuchira kwandakaitawo simba

kubva kuna Baba vangu.

28Uye ndichamupa nyenyedzi yorungwanani.

29Ane nzeve ngaanzwe

zviri kurehwa naMweya kumasangano.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help