Joshuwa Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Joshuwa nderimwe ramabhuku anorondedzera rungano rwavaIsiraeri. Rinotaura zvikuru nenhoroondo yokupinda kwavaIsiraeri munyika yechipikirwa, munyika yeKanani vachitungamirirwa naJoshuwa akatora nzvimbo yaMosesi paakafa. Rinotaura zvikuru nezvokuyambuka kwavo rwizi rwaJorodhani (3) nokuputsika kweJeriko vachirikurira (6) kwouya zvehondo yokuAi (8) uyewo kumutsurudza kwavaIsiraeri chitenderano chavo naMwari.Bhuku iri rinoratidza kuti kukurira kwavo kwaibva musimba raMwari. Nezvo kugona kutora nyika yeKanani vachiita yavo vaitozvikwanisa chete nokuramba vari pachokwadi kuna Mwari vachichengeta mitemo yaMwari.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJoshuwaKukurirwa kweKanani (1:1—12:24)Zvikamu zvenyika yeKanani (13:1—21:45)Nyika yokumabvazuva kwaJorodhani (13:1–33)Nyika yokumadokero kweJorodhani (14:1—19:51)Maguta okupotera (20:1–9)Maguta edzinza raRevhi (21:1–45)Madzinza matatu anodzokera kumhiri kwaJorodhani (22:1–34)Joshuwa anoonekana navaIsiraeri (23:1–16)Kuvandudzwa kwechitenderano kuShikemu (24:1–33)