Hosea 9 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Nhamo youtapwa yaizowira vokwaIsiraeri

1Musafare imi vokwaIsiraeri,

musapembere kufara

sezvinoita marudzi

nokuti makaita ufeve

muchifuratira Mwari wenyu.

Makafarira muripo woufeve

nezvinowanika pamaburiro ose ose.

2Paburiro pacho napachisviniro chewaini

hapana chokudya chavanowanapo,

uye zvewaini itsva zvichavaperera.

3Munyika yaTenzi,

havacharamba vageremo

asi kutoti vokwaEfuremu

vachadzokera kuIjipiti

uye vachazodya chokudya chakan'ora

vava kuAsiria'ku.

4Ikoko zvokuti ivo vapire

mipiro yokuteura yewaini

kuna Tenzi, panenge pasisina,

vasisakwanisi kumufadza

nezvibayiro zvavo.

Chokudya chavo chichange

chichiita sechokudya chaparufu

chinon'oresa wose anochidya

nokuti chokudya chavo

chichange chiri chokupodza

nzara yavo chete

chisingaendwe nacho kumba yaTenzi.

5Zvino pazuva guru

rakatemwa muchaitei,

uye pazuva guru raTenzi?

6Ndinodaro nokuti izvozvi,

vari kutoenda mukuparadzwa.

Ijipiti ichavatuta

vachindovigwa kuMemufisi.

Hunye huchati memete

pazvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha

mumisha yavo yematendhe

muchava neminzwa.

7Mazuva okurangwa asvika

mazuva okutsiva auya

vokwaIsiraeri muchazoziva izvozvo.

Kwamuri imi; muporofita, ibenzi romunhu;

munhu anenge afemerwa naMweya,

munhu anopenga,

pari pamusana pouipi hwenyu hwakaipisisa

uye pamusana peruvengo rwenyu rwakanyanyisa.

8Muporofita ndiye munhu ane basa

rokutarisa zvinoitika muvanhu vokwaEfuremu,

vanhu vaMwari wangu.

Asi muporofita ari kuteyiwa

nzira dzake dzose seshiri

achivengwa mumba yaMwari wake.

9Vakanyatsoti tindindi kwazvo

kunyura muzviito zvakaora

somumazuva eGibhea.

Mwari acharangarira uipi hwavo

agovarangira zvitadzo zvavo.

Nhamo yechitadzo chevokwaIsiraeri

10“Kuwana kwandakaita Isiraeri

yainge magirepisi omusango

nepandakaonawo madzibaba enyu

ndakaaona semaonde okutangisa

mumwaka wawo wokutanga.

Asi pavakasvika kuBhaaripeori

vakazvipira kunamata Bhaari

vakabva vava chinhu chinosemesa

kutofanana nechinhu

chavakanga vava kuda ichocho.

11Mbiri yevokwaEfuremu

ichabhururuka kutiza seshiri.

Zvokusununguka mwana pasisina,

zvokuzvitakura zvapera

kusisina zvokubata pamuviri.

12Kunyange zvazvo vakarera vana

ndichaita kuti vafirwe

kusvikira pasisina anosara.

Zvichavawana zvavo pandichavafuratira.”

13Sokuona kwangu,

vanhu vokwaEfuremu

vatova nyama yemagora.

VokwaEfuremu chavo chete

kutungamirira vana vavo kundourayiwa.

14Imi Tenzi

vapei zvamunenge mada kuvapa,

vapei kuti vaparadzike pamuviri

uye mazamu akaoma.

Shamhu yokuranga vokwaIsiraeri

15“Uipi hwavo hwose hwabvira kuGirigari

ndiko kwandakatangisira kuvavenga

kwaita kuti ndivarange

Pamusana pouipi hwamabasa avo

ndichavadzinga mumba mangu.

Handichambodazve;

machinda avo ose

imhandupandu chaidzo dzevanhu.

16VokwaEfuremu,

vava muti zvavo wakarohwa

mudzi wawo ukaoma

havachabereka muchero.

Kunyange vakabereka vana

ndichauraya vana vavo vapamwoyo.”

Shoko romuporofita Hosea kune vokwaIsiraeri

17Mwari wangu achavarasa,

nokuti havana kumuteerera;

vachava vadzungairi

mukati mavanhu vechirudzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help