1“Imi muri vana vaTenzi Mwari wenyu. Musazvicheke-cheke kana kuzviveura vhudzi rapahuma dzenyu pamunenge mafirwa.
2Ndinodaro nokuti muri rudzi rwavanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi akakusarudza pakati pemarudzi ose epasi pano pose akati muve vanhu vake pachake.
Mhuka dzakan'ora nedzisina(Mup 11:1–47)3“Usadye chinhu chinosemesa Mwari.
4Mhuka dzamungadye ndedzidzi: mombe nehwai nembudzi
5nenondo nemhara nemhembwe nembudzi dzomusango nemharapara nengururu.
6Mukati memhuka yose ine zondo rakapararana richiita mativi maviri, iriwo mhuka inozeya, ndiyo yamungadye zvenyu.
7Musadye dzose dzinozeya asi dziine zondo risina kupararana kana kuti dzine zondo rakapararana asi dzisingazeyi. Musadye nghamera netsuro nembira nokuti kunyange dzichizeya zvadzo, zondo radzo harina kupararana, dzinokun'oresai.
8Musadye nguruve nokuti kunyange zvadzo dziine zondo rakapararana hadzizeyi, dzakan'ora kwamuri. Musadye nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo.
9“Pane zvomumvura zvamungadye ndezvizvi zvinoti: zvine zvimbi nezvina makwande.
10Asi musadye chose chisina zvimbi namakwande, chakan'ora kwamuri.
11“Shiri dzose dzisina kun'ora mungadye zvenyu.
12Asi idzi ndidzo shiri dzausingabvumirwi kudya dzinoti; gondo negora nechapungu
13norukodzi nenjerere namarudzi ayo
14nemhando dzose dzamakunguo
15nemhou nedahwa neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu
16napotono nezizi guru nenhapata
17nedhadha romusango, nehungwe nekanyurira
18neshuramurove namarudzi ose ezimudo nemhupupu nomuremwaremwa.
19“Zvipembenene zvine mapapiro, zvose zvazvo zvakan'ora kwamuri, hazvidyiwe.
20Idyai zvenyu zvose zvine mapapiro zvisina kun'ora.
21“Musadye mhuka inenge yafa yoga, ipe zvako mutorwa waugere naye adye hake, kana kuitengesera mubvakure nokuti imi muri rudzi rwavanhu rutsvene rwakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Musabike mbudzana mumukaka wamai vayo.
Chegumi chegore negore22“Unosungirwa kubvisa chegumi pambesanwa dzaunokohwa mumunda mako gore negore,
23uchindozvidyira pana Tenzi Mwari wako, panzvimbo yaachasarudza kuisa zita rake. Ipapo ndipo pauchadyira chegumi chembesanwa dzako nechewaini yako nechemafuta ako eorivhi, pamwechete nematangwe emombe dzako nezvimwe zvipfuwo zvako, kuitira kuti udzidze kuremekedza Tenzi Mwari wako nguva dzose.
24Kana nzvimbo iyoyo ichinge iri kure nomusha wako zvokuti haugoni kutakura zvegumi zvawakakomborerwa nazvo naTenzi Mwari wako uchienda nazvo ikoko zvaungaite ndezvizvi:
25Tengesa zvegumi izvozvo, mari yacho uende nayo kunzvimbo imwechete ichasarudzwa naTenzi Mwari wako,
26uzondotenga zvose zvaunoda, mombe kana hwai kana waini kana doro rinodhaka, chero chaunoda zvako udyire pana Tenzi Mwari wako iwe nemhuri yako mupembere muchifara.
27“Usazorega kuva nehanya nevaRevhi vaugere navo mumaguta enyu, sezvovasina kupiwa mugove kana nhaka pakati penyu.
Chegumi chegore rechitatu roga roga28“Panenge pangopera makore matatu, unganidzai mumaguta enyu chegumi chezvamakawana gore iroro.
29VaRevhi sezvo vasina mugove kana nhaka pakati penyu saka ivo pamwechete navatorwa nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu vangauye zvavo kuzodya vachiguta, kuti Tenzi Mwari wenyu akukomborerei pabasa ramunobata namaoko enyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.