Mika Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Mika ndiye mumwe wavaporofita vaitsoropodza vanhu pamusana pokusachengeta ruenzaniso. Mika aitaurira Jerusaremu sezvakangoitawo Amosi achitaurira Samaria kuti muchapinda nhamo yakapinda Samaria nokuti mamuri vatungamiri vana maitiro akaora, muna vaporofita venhema, vapristi vomo vanoda zvenyika, vashavi voupfumi ndeveunyengedzi, vatongi vavo havasi pachokwadi uye kunamata kunoitwa ndekwechipameso, hamuna mweya kwawo wechitendero. Nezvo Jerusaremu neTemberi zvichaparadzwa. Zvakadaro zvazvo Mesia achauya, ari wedzinza raDhavhidhi. Ndiye achaunza rugare rwapasi pose. VaIsiareri vachacheneswa uye vachanunurwa. Ndipo pavanozovimba naMwari. Zvinodiwa naMwari ndezvizvi: kuita zvino ruenzaniso, rudo rwusingasanduki sanduki uye kufamba naMwari wako wakazvininipisa (6:8).Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMikaKutonga kwaMwari (1:1—3:12)Isiraeri itsva (4:1—5:15)Yambiro netariro (6:1—7:20)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help