Vagaratia 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

III: KUKURUDZIRWA KWAVAGARATIAChengetedzai rusununguko rwenyu

1Kristu chaakatisunungurira kuti tive vanhu vakasununguka, nokudaro mirai zvakasimba murege kuzvipinzazve mujoko rouranda.

2Chinzwai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kana mukadzingiswa Kristu anenge asisina chimuko kwamuri.

3Ndinonyatsokutaurirai pachena zvakare kuti munhu anobvuma kudzingiswa anofanira kuchengeta zvisungo zvose zvomutemo.

4Imi munoda kururamiswa nezvisungo zvomutemo makatochekana ukama naKristu, nyasha dzakatokupesai.

5Nokuna Mweya Mutsvene uye nechitendero, isu tinotarisira kururamiswa kwatiri kumirira.

6Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna basa asi chitendero chine rudo.

7Inga maimbomhanya zvakanaka wani! Ko ndiani akakupingidzai kuteerera chokwadi.

8Kufurirwa ikoko hakusi kwaiye akakudaidzai.

9Mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose.

10Muna Tenzi kudai ndinovimba kuti imi hamuzovi nedzimwe pfungwa dzinosiyana nedzangu uye kuti iye ari kukushushai achawana mubayiro wake, kunyange ari ani zvake.

11Hama, kana ndichiri kuparidza zvedzingiso, chandiri kushushirwa chitendero chii? Kana zvakadaro kugumbura kunoita muchinjikwa kunobva kwabviswa.

12Ndingatoda kuti dai vari kukutambudzai ivavo vatozvigadzira ivo pachavo.

Rusununguko norudo

13Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo

14nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.”

15Kana basa renyu rava sezvikara kurumana nokudyana munofanira kuzvingwarira nokuti mungatosvika pakupedzana.

Hondo iri pakati paMweya nehavi dzomuviri

16Zvandinoreva ndezvizvi,

zvokuti tungamirirwai naMweya

murege kufadza havi dzomuviri

17nokuti zvinodiwa nomuviri

zvinorwisana nezvinodiwa naMweya.

Zvinodiwawo naMweya

zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri

nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana

zvichikutadzisai kuita zvamunoda.

18Asi kana muchitungamirirwa naMweya

hamuchisiri pasi pomutemo.

19Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata

20nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana

21uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari.

22Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka

23uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi.

24Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo.

25Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya.

26Ngatiregei kuzvikudza kana kudenhana kana kuitirana shanje.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help