Varoma 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Tsitsi dzaMwari kuvaIsiraeri

1Zvino ndingati Mwari akaramba vanhu vake here? Kwete handizvo. Iyeniwo ndiri muIsiraeri, chizvarwa chaAbhurahamu, ndiri wedzinza rokwaBhenjamini.

2Mwari haana kuramba vanhu vake vaakafanoziva.

3Hamuzivisu zvinotaurwa naMagwaro Matsvene nezvaEriya zvaanokumbira Mwari kuti zviwire Isiraeri achiti, “Tenzi vanhu ava vakauraya vaporofita venyu. Vakapaza atari dzenyu. Ini ndoga ndini ndasara uye vari kuda kutondipedzisa.”

4Asi Mwari anomupindura achitii? “Ndakazvichengetera zviuru zvinomwe zvavarume vasina kupfugamira Bhaari.

5Saizvozvowo iye zvino uno kune chitsama chakasarudzwa nokuda kwenyasha.

6Zvino kana zviri nokuda kwenyasha, hazvisiri nokuda kwamabasa nokuti nyasha hadzizovi nyasha.”

7Zvino toti kudii? Toti, Isiraeri yakakundika kuwana zvayaitsvaka. Vaakasarudza ndivo vakazviwana. Asi vamwe vose vakaomaradzwa mwoyo.

8Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,

“Mwari akavapa mwoyo wenhinhi

namaziso okuti vasaone

nenzeve dzokuti vasanzwe.

Kusvikira pari nhasi.”

9Dhavhidhi anotiwo,

“Regai mabiko avo makuru

ave riva nomusungo kwavari,

ave hunza kwavari nomubayiro wavo.

10Maziso avo ngaakwidibirwe nerima

kuti vatadze kuona

dzive hotakota musana nokusingaperi.”

VaIsiraeri vachadzorerwa pakare

11Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje.

12Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo!

Kuponeswa kwevechirudzi

13Kunemiwo vechirudzi ndinoti, ini somupositori kune vechirudzi ndinokoshesa basa rangu iroro

14kuti ndimutse shanje muhama dzangu dzechiJudha. Nenzira iyoyo ndigoponesa vamwe vavo.

15Kana kurambwa kwavo kuchiita kuti pasi pose payananiswe, ko kugamuchirwa kwavo kucharevei? Kunenge korevawo kumuka kwavafi.

16Kana chidimbu chomukanyiwa wechingwa chinopirwa somupiro wezvitsva chiri chitsvene, saizvozvo mukanyiwa wose mutsvene. Kanawo mudzi uri mutsvene namapaziwo matsvene

17asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi

18musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai.

19Pamwe mungati mapazi akadimurwa kuti ini ndirumatidzwe pamugirepisi.

20Ichokwadi ichocho. Vakadimurwa pamusana pokusatenda kwavo asi choga chinoita kuti iwe umire wakasimba, chitendero. Naizvozvo rega kuzvikudza; unofanira kutotya,

21nokuti kana Mwari asina kurega mapazi epo aripo haamboregawo iwe uripo.

22Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo.

23Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare.

24Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo.

TSITSI DZAMWARI KUVANHU VOSE.

Kutendeuka kwavaJudha

25Mungadaro mukafunga kuti makachenjera, ndingade kuti muzive chakavandika ichi hama dzangu. Kuomaradza mwoyo kwakapinda muchikamu cheIsiraeri kusvikira huwandu hwevechirudzi vose hwapinda.

26Naizvozvo Isiraeri yose ichaponeswa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,

“Mununuri achabva kuZioni

achaparadza kusanamata Mwari kose muna Jakobho.

27Ichochi ndicho chichava chitenderano changu navo

kana ndabvisa zvitadzo zvavo.”

28Pane zveShoko Rakanaka,

imhandu dzaMwari kuitira imi,

asi pane zvokusarudzwa ndavapamwoyo,

pamusana pamadzitateguru avo

29nokuti zvipo zvaMwari nokudaidza kwake ipfirapo.

30Sezvamakangoita imi kuti

makambova vanhu vasingateereri Mwari

asi zvino makaitirwa tsitsi

pamusana pokusateerera kwavo,

31saizvozvowo zvino havateereri

kuti netsitsi dzamakaitirwa

ivo vaitirwewo tsitsi.

32Ndinodaro nokuti

Mwari akaisa vanhu vose mukusateerera

kuti anzwire vose tsitsi.

Rumbo rwokurumbidza tsitsi noungwaru hwaMwari

33Aiwaiwa hakusi kudzama kwakaita upfumi

noungwaru noruzivo rwaMwari!

Hakusi kusabatika ikoko kwamazano ake

nokusarondeka kwakaita nzira dzake!

34Nokuti ndiani angazive zviri mupfungwa dzaTenzi;

uye ndiani akambova mupi wake wamazano.

35Kana akambomupa chipo

chokuti azodzorerwa,

36nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari

uye zvinouya nokwaari uyewo ndezvake.

Iye ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help