1Akakomborerwa hake munhu asingapotse mukutaura
asingazozvidya mwoyo pamusana pezvitadzo.
2Akakomborerwa zvake, munhu asina chinomurovesa hana,
asina kurasa mwoyo.
Ruchiva namakaro3Upfumi haufambirane nomunhu akaomera,
upfumi hune basa rei kumunhu ano rutsuta.
4Munhu anozviunganidzira upfumi nokuzvinyima,
anounganidzira vamwe,
vamwe zvavo ndivo vachaita upenyu hwomutambaratede
noupfumi hwake ihwohwo.
5Munhu anozviitira rutsuta
ndiani chaizvo waangaitirewo mwoyochena,
iye achitadza kufarikanawo zvake noupfumi hwake?
6Hakuna munhu ano rutsuta,
kupinda munhu anozviomesera nokuzviitira rutsuta.
Rutsuta ihwohwo ndomubayiro wokuipa kwake.
7Kana achiitira mumwe zvakanaka
anozviita mukusaziva
pakupedzisira pacho anotozoratidza pachena rutsuta rwake.
8Ane shanje navamwe munhu akaipa,
anotarisa kurutivi asingambocheuka munhu.
9Ziso romunhu ana makaro harigutsikane nomugove waro
makaro asina ruenzaniso
anopedza munhu simba.
10Ziso romunhu anenge akaomera
rine shanje nezvokudya zvavamwe,
mumba make ndemenzara.
11Mwanangu, kana uchikwanisa kuzviwana,
zvifadzewo hako
uye pirawo mipiro yakakodzera kuna Mwari.
12Yeuka kuti rufu harunonoki,
uye nguva yako yawakarongerwa guva,
kwauri haina kuziviswa.
13Ita zvakanaka kushamwari yako usati wafa,
tambanudza ruoko rwako
umupewo sokugona kwako.
14Rega kupfuurwa nezvinofadza zvezuva nezuva
usarege zvakanaka zviri pamutemo
zvaunoda zvichikupfuura.
15Handiti, uchasiyira zvako mumwe michero yebasa rako,
uye zvawakawana nokusevenza
zvichigoverwa vamwe nechin'ange?
16Ipa uchipiwawo, uchimbozvivaraidzawo,
nokuti kunzvimbo yavakafa zvokutsvaga rufaro hakuna.
17Upenyu hwomunhu hunosakara sehanzu;
mutemo wakangogara uripo unoti:
zvokufa unofanira kuti ufe.
18Tinenge mashizha omuti uri kukura zvakanaka,
anoti mamwe achidonha, mamwe achitungira.
Ndizvowo zvine zvizvarwa zvavanhu,
zvinoti uku mumwe ari kufa,
uku mumwe ari kuberekwa.
19Chiro chose chinenge chaitwa chinoora chorova,
akachiita wacho acharovawo pamwechete nacho.
Makomborero omunhu mungwaru20Akakomborerwa zvake munhu anorangarira zvoungwaru,
achifungisisa mukunzwisisa kwake.
21Anorangarira mumwoyo makwara anosvitsa kuungwaru,
anofungisisa zvakavandika zvahwo.
22Ronda ungwaru somuvhimi,
uhuhwandire pagwara rahwo.
23Anoudongorera nepahwindo
anouteverera pamusuo pahwo.
24Anobatira pokugara munyasi memba yahwo,
achiroverera hoko mumadziro ahwo,
25anodzika tendhe akabatana nahwo,
ozogara pamusha wakanaka.
26Anoisa vana vake mumumvuri wahwo
iye anoita musha pasi pamapazi ahwo.
27Anodzivirirwa kupisa kwezuva nomumvuri wahwo,
achigara mukupenya kwokuvapo kwahwo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.