Dhanieri g 10 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

CHIRATIDZO CHIKURUChiratidzo chomurume akapfeka rineni

1Mugore rechitatu rokutonga kwaSairasi mambo wePezhia, pane zvimwe zvinhu zvakaoneswa Dhanieri ainzi Bheriteshaza. Zvinhu zvacho zvaiva zvechokwadi, zvaiva zvehondo chaizvo. Zvinhu izvozvo akazvinzwisisa akanzwisisawo chiratidzo chacho.

2Mumazuva iwayo, ini Dhanieri ndaingunochema kwamasvondo matatu.

3Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvakanakisa kana nyama kana waini yakambopinda mukanwa mangu. Handina kumbozora mafuta kwamasvondo matatu chaiwo akakwana.

4Pazuva ramakumi maviri nechina romwedzi wokutanga ndakanga ndimire pamahombekombe erwizi rukuru rwaTigirisi.

5Ndakasimudza musoro ndikatarisa ndikaona mumwe munhu akanga akapfeka rineni akasunga muchiuno bhandhi rendarama yeUfazi.

6Muviri wake wakanga wakaita samatombo ebheriri uso hwake huchiita semheni, maziso ake achingarikira somwenje womoto, maoko ake namakumbo achivaima sendarira yakakwenenzverwa ruzha rwezvaaitaura ruchiita semhomho yavanhu.

7Iyeni Dhanieri ndoga ndini ndakaona chiratidzo ichocho nokuti varume vandaiva navo havana kuona chiratidzo ichocho. Asi vakapindwa nokudedera kukuru kwazvo vakatiza kundohwanda.

8Ipapo ndakasiyiwa ndangova ndoga ndichiona chiratidzo ichocho chikuru asi ndisisina simba. Kunyatsoonekerawo kwouso hwangu kwakasanduka zvinotyisa ndikapera simba.

9Ndipo pandakanzwa izwi rake kutaura. Pandakanzwa kutaura kwake ikoko ndakabva ndati kwimha pasi nouso ndokubva ndanzi koche kubatwa nehope dzorufu uso hwangu huri pasi kudaro.

10Ndokubva ruoko rwandibata rukandipfugamisa namabvi namagokora ndichidedera.

11Akanditi, “Dhanieri, munhu wapamwoyo chaiye nyatsoteerera mazwi andava kukutaurira chinyatsomira nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Paakataura neni izvozvi ndakamira ndichidedera.

12Akanditi, “Usatye zvako Dhanieri nokuti kubvira musi wawatangisa kuva nomwoyo wokuda kunzwisisa zvinhu izvozvi uchizvirereka pana Mwari wako, zvawaitaura zvakanzwika, nokudaro ndauya pamusana pezvawaireva.

13Asi muchinda wenyika yePezhia aipikisana neni kwamazuva makumi maviri nerimwechete. Asi Mikaeri mumwe wamachinda makuru akauya kuzondibatsira naizvozvo ndamusiya ikoko nomuchinda wenyika yePezhia.”

14Ndauya kuitira kuti unzwisise zvichawira vanhu vokwako mumazuva anotevera, nokuti chiratidzo ichochi ndechamazuva ari kuuya.

15Paakanditaurira saizvozvi, ndakabva ndati uso pasi tsikitsiki ndokushaya kana neromuromo.

16Ndokubva mumwe akaita sevanakomana vavanhu andigunzva miromo. Ndakashamisa muromo ndikataura kune uya akanga amire pamberi pangu kuti, “Changamire chiratidzo chiya ichi chakonzera kuti ndive nokurwadziwa kwandava nako handichisina simba.

17Ini muranda wenyu ndingataure seiko nemi changamire? Simba randiperera ini, handichakwanisi kufema.”

18Uya uya wechimiro chinenge chomunhu akandibatazve akandisimbaradza.

19Akati, “Nhaiwe, munhu wapamwoyo chaiyechaiye, usatye, rugare ngaruve newe. Shinga utsunge mwoyo.” Paakataura kwandiri ndakabva ndasimbaradzwa ndokubva ndati, “Changamire chiregai nditaure nemi nokuti mandisimbaradza.”

20Iye ndokuti, “Zvandauyira kwauri unozviziva here? Asi iye zvino ndava kudzokera kundorwisa muchinda wePezhia. Ndikange ndapedza naye ndipo pachauya muchinda wenyika yeGirisi.

Chiporofita chezvaAndiyokusi Epifanesi

21“Asi ini ndichakutaurira zvakanyorwa mubhuku rechokwadi. Hakuna kana mumwe angabatsire ari kudivi kwangu kusiya Mikaeri muchinda wokwenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help