1Karakare, Mwari aitaura kumadzitateguru edu kazhinji–zhinji, nenzirawo dzakasiyana–siyana nemiromo yavaporofita,
2asi mumazuva ano okupedzisira akazotaura kwatiri nomuromo woMwanakomana wake, waakaita mugari wenhaka yezvinhu zvose. Ndiyewo waakasika naye pasi pose.
3Ndiye anoratidza pachena mbiri yaMwari, ndiyezve mufananidzo chaiwo wamamiriro akaita Mwari, anochengetedza mumaoko ake zvisikwa zvose nezwi rake rinesimba. Paakapedza kuita basa rokuchenesa vanhu kuzvivi, akandogara kurudyi rwaSamasimbaose ari kumusorosoro,
4aitwawo mukuru kuvatumwa vedenga sezita raakanga apiwa rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
I: MWANAKOMANA MUKURU KUVATUMWAMagwaro Matsvene anotsinhira ukuru–ukuru hwoMwanakomana waMwari5Ndoupi mutumwa akambonzi naMwari;
“Iwe uri Mwanakomana wangu,
nhasi ndakubereka?”
Kana kuti;
“Ndichave baba kwaari,
iye agove Mwanakomana kwandiri?”
6Uyezve paakaunza dangwe rake pasi pose anoti,
“Vatumwa vose vaMwari ngavamupfugamire kumunamata.”
7Nezvavatumwa anoti;
“Anoita vatumwa vake kuti vave mhepo,
varanda vake kuti vave rimi romoto.”
8NezvoMwanakomana anoti;
“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari,
chinozoramba chiripo nokusingaperi.
Uye tsvimbo yoruenzaniso ndiyo tsvimbo youmambo hwenyu.
9“Imi makada ururami mukavenga unyangadzi,
“Ndosaka Mwari, iye Mwari wenyu,
akakugadzai ukuru pamusoro pavamwe venyu
nokukuzodzai namafuta orufaro.
10Imi Tenzi makawarika ugaro hwapasi pose
uye matenga ibasa ramaoko enyu.
11Izvi zvichaparara
asi imi mucharamba muripo.
Zvose zvichasakara sehanzu.
12Muchazvipeta sejasi, sechipfeko zvichasanduka
asi imi munoramba makangodaro, makore enyu haagumi.”
13Ndoupi mutumwa waakamboti,
“Gara kurudyi rwangu,
kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako?
14Handiti Mweya yose inebasa rokushanda here?
Yakatumwa kuti indoitira basa avo vose
vachazogara nhaka yoruponeso here?”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.