Jobhu 18 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Hurukuro yechipiri yaBhiridhadhi.Kudzongodza magariro ezvinhu

1Bhiridhadhi Mushuhi akazopindurazve achiti,

2“Kusvikira riniko? Chimbonyararawo

ufunge, isu timbotaurawo.

3Sei uchitiona semhuka

uchititora sezvituta?

4Zvibvarure zvako kana uchida

kunyange ukashatirwa zvako ukadii,

nyika haisanduki ikava gwenga,

mabwe haambobva panzvimbo pawo.

Mubayiro wavakaipa

5“Mwenjewo wavaipi unodzimwa,

murazvu womoto wake hauvheneke.

6Mwenje wemutendhe rake uchasviba

nemwenje uri pamusoro pake uchadzimwa.

7Simba rokuita nhanho richaderera

zvirongwa zvake zvichamuputsira pasi.

Misungo yavaipi

8“Nokuti tsoka dzake dzichamuti

tindindi mumumbure achifamba pamusoro pehunza.

9Anobatwa chitsitsinho nechikachikiro,

dhibhu rinomurapura.

10Musungo wakamuvanzirwa muvhu,

hunza inenge yakavigwa panzira yake.

11Zvinotyisa zvichamukomba kumativi ose

zvichingodzingirirana naye.

Mhedziso yomuipi

12“Nzara ndiyo ichamupedza simba

nyatwa ichava parutivi pake.

13Chirwere chichamudya ganda

honzeri chaiyo yorufu ichamudya makumbo.

14Achamwaurwa kubva mutendhe yaanovimba nayo

agozvuzvurudzirwa kuna mambo wokutyisa.

15Mumwe angangogara zvake mutendhe yake

asi musha wake watanga wasaswa nesarufa.

16Pasi midzi yake iri kuoma

kumusoro mapazi ake achioma.

17Panyika zvokumuyeuka zvakapera.

Hapana mugwagwa unodaidzwa nezita rake.

18Achadzingwa muchiedza

achiendeswa murima achitandaniswa panyika.

19Haachazovi nomwana

kana muzukuru zvake pakati pavanhu vokwake,

kana mumwe anoraramawo paaigara.

20Vokumadokero vachadumbirwa nazvo

vokumavirira zvichavazadza nokutya.

21Ndizvoka izvi, zvomusha unogara vanhu vakaipa,

ndizvo zvenzvimbo yomunhu asingazivi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help