Tsumo 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kumiririra chikwereti chomumwe

1Mwanangu ukati ndiwe wokumiririra

chikwereti chomumwe

uchitsidza panzvimbo pomumwe,

2kana wateewa mukutaura

kwomuromo wako

wabatwa mumazwi omuromo wako

3zvaunofanira kuita ndezvizvi, mwanangu,

kuitira kuti uzvinunure

nokuti unenge watowira mumaoko

omumwe wako.

Enda uzvirereke

utadzise mumwe wako iyeyo kudya rinopisa.

4Usambobvuma zvako kuti

meso ako abatwe nehope

kana kutsomwaira nehope.

5Zvinunure semhara kumuvhimi

kana seshiri mumaoko omutei weshiri.

Tsimbe yomunhu

6Iwe tsimbe, enda kumujuru

uongorore maitiro awo

udzidze ungwaru.

7Mujuru hauna mambo,

hauna muchinda kana mutongi

8asi unogadzirira sadza rawo muzhizha

unounganidza chokudya chawo pakukohwa.

9Uchasvika riniko wakarara nhaiwe tsimbe

uchamuka riniko muhope dzako?

10Izvo zvokuti,

“Regai ndimboti kotsire kashoma.”

“Regai ndimboti tsomwaire kashoma.

Ndimboti maoko gumbate kuzorora.”

11Urombo hunobva hwati pauri

tutururu serombe

uye kushaiwa kunouya kwauri

somunhu akapakata zvombo zvokurwa.

Nhubu yomunhu

12Nhubu munhu akaipa

anongofamba achikanganisa mashoko.

13Anochonya maziso

anotondeka netsoka dzake

achinongedzera nongedzera neminwe yake.

14Anoronga twaanoronga nomwoyo wakashata

achiramba achingokonzera manyongori.

15Nhamo inoyerekana yamuwira,

nenguva isipi anotyorwa-tyorwa

zvisina karapiro.

Zvinhu zvinomwe zvisingadiwe naMwari

16Pane zvinhu zvitanhatu

zvisingadiwi naTenzi

zvinotosvika zvinomwe

zvinosemesa kwaari, zvinoti:

17Kuzvikudza, nokunyepa

maoko anodeura ropa risina mhosva

18nomwoyo unoronga zvirongwa zvakaipa

netsoka dzinomhanyirira kune zvakaipa

19chapupu chenhema chinotaura manyepo

munhu anomutsa gakava pakati pehama.

Yambiro nezveupombwe nomukadzi womuridzi

20Mwanangu chengeta mitemo yababa vako,

usakande pasi mirao yaamai vako

21isungirire mumwoyo mako

isungirire muhuro mako nguva dzose.

22Kana wofamba inokutungamirira,

kana worara inokuchengetedza.

Kana wakasvinura inokurukura newe.

23Chandinodariro ndechokuti

mutemo mwenje, murao chiedza

kutsiurwa nokudzidziswa

ndiwo mafambiro ohupenyu

24kuitira kuti zvikudzivirire

kumukadzi wakaipa

kururimi rwunotapira

rwomukadzi pfambi.

25Usatorwe mwoyo norunako rwake

usabatwe kumeso netsiye dzake.

26Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa

asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora

upenyu hwakakosha hwomunhu.

27Munhu angatakure moto pachipfuva,

hanzu dzake dzikarega kutsva here?

28Kana kuti munhu angafambe

pamavhunze anopisa,

tsoka dzake dzikarega kutsva here?

29Ndizvo zvakaita munhu

anoenda kumukadzi womumwe

hakuna anomubata bata akarega kurangwa.

30Handiti vanhu vanoshora mbavha here

inenge yaba kuti irape nzara yayo?

31Asi ikabatwa inoripiswa kakapetwa kanomwe

inobvisa upfumi hwose hwomumusha mayo.

32Munhu anoita upombwe haana njere,

anoita zvakadai kuzviuraya

33chaanowana ipapa maronda nokushorwa

uye kuzvidzwa kwako hakufe kwakabva

34nokuti shanje inoitisa munhu hasha,

kana wotsividza anotsividza zvisina tsitsi

35zvokuti pakaripwa haambozviona

kana kugadzana mwoyo

nokumupa kwako zvipo zvakawanda.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help