1Kurangarira Josiya kunonhuhwira sorusenzi
rwanyatsogadzirirwa navazivisisi vezvezvinonhuhwira.
Kumurangarira kunotapira sokutapira kwouchi mukanwa,
kunonakidzawo sokuimba pamabiko panonwiwa waini.
2Akatevera gwara rakanaka rokupindura vanhu.
Akabvisa chose unyangadzi hwakan'ora.
3Akaisa mwoyo wake muna Tenzi.
Panguva yakwakanga kusina zvokutevera mutemo,
iye akakurudzira zvokunamata.
Madzimambo navaporofita vokupedzisira4Dhavhidhi naHezekiya
naJosiya ndivo voga, vakateerera Mwari,
mamwe madzimambo ose akatadzira Mwari zvakanyanya
nokuti vakafuratira mutemo woWokumusorosoro.
Madzimambo okwaJudha akabva aguma,
5nokuti akapa vamwe simba rahwo,
akapawo mbiri yahwo kune venyika yevechirudzi.
6Vakapisa guta reNzvimbo Inoera
rakanga rakasarudzwa naMwari;
migwagwa yaro yakasara isisina nomunhu wose,
sokufanotaurwa kwazvakanga zvaitwa naJeremiya.
7VaJudha vakambomuonesa nhamo,
kunyange zvake akanga afanosarudzwa naMwari achiri
munhumbu yaamai vake, kuti ave muporofita
kuti adzure, arwadzise uye kuti aparadze
uye kuti avake nokusima.
Ezekieri8Ezekiyeri ndiye akaona chioneso chaipenyesesa,
chaakaratidzwa naMwari chiri
nechokumusoro kwengoro yamakerubhu.
9Nokuti Mwari akayeuka vavengi vake akavatumira dutu remvura,
akabatsira vaitevera nzira kwayo.
10Mapfupa avaporofita gumi namaviri
ngaatungirezve paakaradzikwa,
nokuti vakanyaradza vokwaJakobho,
vakavanunura nechitarisiro chakaperera.
Zerubhabheri11Tingarumbidze Zerubhabheri nomutoo upiko?
Akaita ringi riri muruoko rworudyi.
12Ndizvowo zvaiva naJoshuwa mwana waJozadhaki.
Pamazuva avo, vakavaka imba yaMwari
vakavaka patsva Temberi inoera yaMwari,
yakavakirwa kupa mbiri nokusingaperi.
Nehemiya13Nehemiya ndiye mumwe asingafaniri
kukanganwikwa nokusingaperi
nokuti ndiye akavakiridza rusvingo rwakanga rwapazwa,
akamisawo misuo mikuru ine zvihuri,
akavaka patsva dzimba dzedu.
Kutarira shure14Hakuna akasikwa pasi pano angaenzane naEnoki,
nokuti ndiye akatorwa achibva pasi pano.
15Hakuna ati azvarwa akaita saJosefi akava
mutungamiri wamadzikoma ake nomutsigiri worudzi rwake;
mapfupa ake akaremekedzwa.
16Shemu naSeti vakaremekedzwa pakati pavanhu,
asi ari pamusoro pezvisikwa zvose zvinoupenyu ndiAdhamu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.