Ezekieri 32 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mambo weIjipiti anoenzaniswa negarwe

1Mugore regumi nechipiri, mumwedzi wegumi nechipiri, pazuva rokutanga romwedzi izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Iwe munhu ungudza pamusoro paFarao mambo weIjipiti uti kwaari,

“Unozviti uri shumbaka iwe

pakati pamarudzi avanhu.

Asi chauri chaicho uri garanyanya romumakungwa.

Unoti pindikiti munzizi dzako

uchibvongodza mvura namakumbo ako,

nzizi dzacho dzichiva bvondwe.

3Zvanzi naTenzi Mwari,

‘Ndichakukanda mambure avanhu vakawanda

ivo vachakukwevai mumambure angu okukukudza,

4ndichakutii pasi yacha,

ndichakukandai pachena zvapo.

Ndichaita kuti shiri dzose dzedenga

dzimhare pamusoro pako;

zvikara zvapasi pose

zvizvimbirwe nokudya iwe.

5Nyama yako ndichaiti katakata pamakomo

ndigozadza mapani nezvitunha zvako.

6Ndichati nyika neropa rako rinoerera kopokopo

kusvika kunyange kumakomo,

makoronga achazara neropa rako.

7Pandinenge ndakutsakatisa

ndichakwidibira denga

ndichisvibisa nyenyedzi;

zuva ndicharikwidibira negore.

Mwedzi unenge usisape chiedza.

8Zviedza zvose zvedenga

ndichazviti ndo-o pauri

ndigoisa rima panyika yako.’

Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

9“Ndichadzongodza mwoyo yavanhu vakawanda. Pandinokuendesa kuhutapwa mukati mevechirudzi kunyika dzausingazivi.

10Ndichaita kuti vanhu vazhinji vadumbirwe nezvako; madzimambo avo achadedera pamusana pako. Kana ndovheyesa bakatwa rangu kwavari vachangwenda nguva dzose mumwe nomumwe achityira upenyu hwake musi wazvichakuperera.”

11Nokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Bakatwa ramambo weBhabhironi richakuvinga.

12Ndichaita kuti vazhinji venyu vafe nebakatwa ravanesimba vose, vari vanhu vanotyisa kwazvo mukati memarudzi.

“Vachapedza kuzvikudza kweIjipiti,

vose zvavo nokuwanda kwavo vachaparara.

13Mhuka dzavo dzose ndichadziparadza

panyasi pemvura zhinji.

Hapana rutsoka rwomunhu ruchaibvongodzazve

kana matsiko emhuka dzavo dzichaibvundura.

14Ipapo ndichachenesa mvura yavo,

nzizi dzavo ndichidziita kuti

dzierere samafuta.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

15Kana ndaita nyika yeIjipiti renje;

zvose zvizere mairi zvabviswa,

vose vagari vomo ndavauraya,

ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.

16“Urwu ruchava rumbo rwokuungudza ruchaimbwa navakadzi vamarudzi vachiimbira Ijipiti negurusvusvu ravanhu vayo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Nyika yavafi

17Mugore regumi nechipiri, mumwedzi wokutanga pazuva regumi nerechishanu romwedzi izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

18“Iwe mwanakomana womunhu ungudza kuchema gurusvusvu ravanhu veIjipiti uvaendese pasi pasi, iyo navanhukadzi vamarudzi makuru makuru kunyika yapasi pasi kuna vakadzika kugomba.

19“Ndiani chaizvo waunokunda parunako iwe,

chidzika undoradzikwa

pamwechete navasina kudzingiswa.

20“Vachafa mukati mavanouraiwa nebakatwa; Ijipiti pamwechete negurusvusvu rayo ravanhu.

21Munzvimbo yavachakabvu imomo, vakuru vakuru vokuhondo vachataura nezveIjipiti navatsigiri vayo vachiti, ‘Vazoburukawo, varere navasina kudzingiswa uye navanhu vakaurayiwa nebakatwa rehondo.’

22“Asiria irikowo negungano rayo rose, yakakomberedzwa namakuva avo, vose zvavo vakauraiwa vakarakatiswa nebakatwa rehondo.

23Vana makuva akaitwa kwokupedzesera chaiko kwegomba uye gungano rayo rakatokomberedza makuva ayo. Vose vakafa vakaurayiwa nehondo yebakatwa iyo yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu.

24“Eramu irikowo negungano rayo rose rakakomba guva rayo, vose zvavo vakauraiwa vakarakatiswa nebakatwa rehondo vanyakudzika pasi pasi penyika vasina kudzingiswa, iyo yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu, vachipindwa nokunyara pamwechete navanoburukira kugomba.

25Vakamupa uriri mukati mavakaurayiwa nehondo yebakatwa pamwechete negurusvusvu rayo rose ravanhu; makuva ayo akaikomberedza. Vose vasina kudzingiswa vakaurayiwa nehondo yebakatwa nokuti yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. Vachanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba vaiswawo mukati mavakaurayiwa.

26“Mesheki naTubhari dzirikowo negurumwandirawo radzo rose, makuva avo akadzikomberedza, vose vasina kudzingiswa vakaurayiwa nehondo yebakatwa nokuti vaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu.

27Asi havana kuradzikwa pamwechete namagamba apasichigare vakadzika kunzvimbo yavachakabvu vaine zvombo zvavo zvehondo. Vakanga vakatsamira kumusoro mapakatwa avo, nhoo dzavo dziri pamapfupa avo nokuti kutya magamba avanhu kwakanga kwava munyika yavapenyu.

28Asi iwe uchapwanyiwa uchizovata pakati pavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa nehondo yebakatwa.

29“Edhomu iriko namadzimambo namachinda ayo ose, vakaradzikwa pamwechete navasina kudzingiswa naavo vanodzika mugomba kunyange vaive nesimba, vakaradzikwa pamwechete navakauraiwa nebakatwa rehondo.

30“Machinda okuchamhembe variko vose nevekuSidhoni vakadzika pamwechete vachinyara navakauraiwa pamusana pokutyisidzira kwavakaita nokuda kwesimba ravo. Vakaradzikwa vasina kudzingiswa vari pamwechete navakauraiwa nebakatwa rehondo. Vakanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba.

31“Kana Farao avaona zvichamunyaradza pamusoro pegurusvusvu rose ravanhu vake, iye Farao navarwi vake vose vakafa nebakatwa rehondo. Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari,

32nokuti akambozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu, naizvozvo acharadzikwa mukati mavanhu vasina kudzingiswa, pamwechete navakauraiwa nehondo yebakatwa, iye Farao negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help