Nziyo 118 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Munamato wokutenda kukunda

1Tendai TENZI nokuti wakanaka,

mwoyochena wake hauperi narini.

2Isiraeri ngaiti,

“Mwoyochena wake hauperi narini.”

3Imba yokwaAroni ngaiti,

“Mwoyochena wake hauperi narini.”

4Vanotya TENZI ngavati,

“Mwoyochena wake hauperi narini.”

5Ndakadaidzira kuna TENZI

ndiri munhamo,

TENZI akandipindura

akandipinza murusununguko.

6TENZI zvaari kudivi kwangu handityi,

munhu angandiitei.

7TENZI zvaari kudivi kwangu

somumwe wavabatsiri vangu,

vanondivenga ndichatovayeva zvangu.

8Zviri nani kupotera kuna TENZI

panokuvimba nomunhu.

9Zviri nani kupotera panaTENZI

panokuvimba namachinda.

10Marudzi akandikomba,

muzita raTENZI ndakavaparadza.

11Vakandikomba zvokundikomberedza kwazvo mativi ose;

muzita raTENZI ndakavaparadza.

12Vakandimomotera senyuchi

vakati viru viru somoto wetsotso dzeminzwa;

muzita raTENZI ndakavaparadza.

13Ndakasundidzirwa zvine simba

zvokutoda kuwa

asi TENZI akandibatsira.

14TENZI ndiye simba rangu norumbo rwangu,

ndiye akava ruponeso rwangu.

15Heyo mheterwa nemipururu yokupururudzira

kukunda zvinonzwika mumatendhe avarurami.

Simba rorudyi rwaTENZI

rakaita zvinogara zvakadaro.

16Simba rorudyi rwaTENZI

rinosimudzira kukunda,

simba rorudyi rwaTENZI

rinoita zvinogara zvakadaro.

17Handimbofi asi ndichatorarama

ndigorondedzera mabasa aTENZI.

18TENZI akandiranga zvinorwadza

asi haana kunditsvitsa pakufa.

19Ndizarurireiwo mukana woururami

kuti ndiwane pokupinda napo

nditende TENZI.

20Uyu ndiwo musuwo waTENZI;

vakarurama vachapinda nawo.

21Ndinokutendai nokuti makandipindura

mukava ruponeso rwangu.

22Dombo rakarambwa navavaki

ndiro rakazova dombo guru rapakona.

23Uku kuita kwaTENZI,

chinhu chinoshamisa.

24Iri ndiro zuva rakaitwa naTENZI

ngatifarei kwazvo tipembere mariri.

25Tinunureiwo TENZI tinokutetererai

TENZI tinokutetererai

itaiwo kuti tibudirire.

26Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTENZI;

tinokurumbidzai tiri mumba yaTENZI.

27TENZI ndiMwari;

akatipa chiedza.

Batanai mudungwerungwe

namapazi enyu mumaoko,

kusvika kune zvinenge nyanga

zviri paatari.

28Imi ndimi Mwari wangu

uye ndichakutendai;

ndimi Mwari wangu ndinokukudzai.

29Tendai TENZI nokuti wakanaka,

mwoyochena wake hauperi narini.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help