1 Nhoroondo 22 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Dhavhidhi ndopaakati,

“Pano apa ndopachava nemba yaTenzi Mwari,

ipo pano ndopachava neatari

yomupiro weIsiraeri wokupisa.”

Kugadzirira kuvaka imba yaTenzi

2Dhavhidhi akati kuunganidzwe pamwechete vatorwa vaiva munyika yeIsiraeri akabva aronga vokuveza mabwe kuti vaveze mabwe okuvakisa imba yaMwari.

3Dhavhidhi akaunganidzawo mirwi nemirwi yesimbi dzokupfura zvipikiri zvamagonhi emisuo mikuru nesimbi dzokubatisapo pamwechete nendarira isingambozivana kuwanda

4namapango omuti womusidhari asingaverengeki nokuti vokuSidhoni nevokuTire vakaigira Dhavhidhi musidhari wakawanda kwazvo

5pamusana pokuti Dhavhidhi aiti, “Mwanangu Soromoni uyu achiri muduku haasati agara nebasa, zvino imba yacho iyi ichavakirwa Tenzi inofanira kuva imba chaiyo yamandiriri, idhume mbiri nomukurumbira nyika yose. Naizvozvo ndichafanoigadzirira.” Nokudaro Dhavhidhi akaunganidza mirwi nemirwi yezvinhu zvokuvakisa asati afa.

6Akazodaidza mwanakomana wake Soromoni akamuti anofanira kuvakira Tenzi imba, yaTenzi, Mwari weIsiraeri.

7Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanangu ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu.

8Asi shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa rakawanda ukarwa hondo dzakakura saka iwe haufaniri kundivakira imba yokuisa zita rangu nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo mumeso mangu panyika.

9Chinzwa, uchabereka mwana mukomana achava munhu worunyararo. Ndichaita kuti ave norugare navavengi vake nokuti zita rake richanzi Soromoni. Ndichapa rugare norunyararo kuIsiraeri mumazuva ake.

10Ndiye achavaka imba yokuisa zita rangu. Achava mwana kwandiri ini ndiri baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi muIsiraeri narini wose.’

11“Zvino Tenzi ngaave newe ugobudirira kuvaka imba yaTenzi, Mwari wako sokutaura kwaakaita nezvako.

12Chete dai Tenzi akupa ungwaru nokunzwisisa kuitirawo kuti paanozokuti utonge Isiraeri uzochengeta mutemo waTenzi, Mwari wako.

13Ndopauchabudirira ukange wachenjerera kuchengeta zvirevo nemirao yakatemerwa Mosesi naTenzi kuti ape vaIsiraeri. Shinga utsunge mwoyo usatye kana kurasa mwoyo.

14Ndakatambudzika kwazvo ini kuunganidza zvinhu zvemba yaTenzi zvinoti: zviuru zvitatu zvematani endarama zvina matani mazana mana nesirivha inorema matani zviuru makumi matatu namana, kwouya ndarira nesimbi isingambozivana nokuti yakawanda kwazvo kwozouya mapango namatombo andakaunganidzawo. Iwe unofanira kuwedzerawo pana izvozvi.

15Vanhu vokushanda unavo vakawanda vanoti vavezi vamatombo nevokuvaka namatombo navavezi nenyanzwi dzemabasa akasiyana-siyana dzisingaverengeki, mhizha

16dzendarama nesirivha nendarira nesimbi. Wochiita izvozvo! Tenzi ngaave newe!”

17Dhavhidhi akaudzawo vatungamiriri vose veIsiraeri kuti vanofanira kubatsira mwanakomana wake Soromoni achiti,

18“Handiti Tenzi, Mwari wenyu anemi here? Haana kukupai here runyararo kumativi ose? Ndinodaro nokuti akaisa vomuno munyika ino mumaoko angu. Nyika iyoyi yava pasi paTenzi navanhu vake.

19Zvino pfungwa dzenyu nomwoyo yenyu ngazvichiva pakutsvaka Tenzi, Mwari wenyu. Imi mochitomira muvake nzvimbo inoera yaTenzi Mwari kuitira kuti bhokisi rechitenderano raMwari nemidziyo inoera yaMwari iiswe mumba yakavakirwa kuisa zita raTenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help