1 Vanamakabhi 6 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rufu rwaAndiokusi Epifanesi

1Mambo Andiokusi ainge achifamba zvake nokunyika dzokumusoro, ndopaakanzwa kuti guta reErimaisi riri muPezhiya, iguta rine mukurumbira woupfumi hwesirivha nendarama.

2Temberi yaro iine upfumi kwazvo iine nhoo dzendarama nemademautare, nezvombo zvokuhondo zvakasiyiwa naArekizanda, mwanakomana waFiripi mambo weMakedhonia uya akatanga kutonga vaGiriki.

3Naizvozvo akaedza kukurira guta iroro kuti apambe zvinhu zvemo, asi akakundikana nokuti zvaaida kuti aite zvakazivikanwa navanhu vomuguta iroro

4vakarwisana muhondo. Nezvo akatiza akabva ipapo akasuruvara kwazvo odzokera kuBhabhironi.

5Mumwewo akauya kwaari muPezhiya imomo akamusvitsa shoko rokuti, hondo dziya dzakanga dzaenda kunyika yokwaJudha dzakakundwa

6uyewo kuti Risiasi akambenge atanga kuendako aine hondo yavarwi yakasimba asi vakapishinuka vakatiza vaJudha, uye kuti vaJudha vakanga vave hondo yakasimba nezvombo zvokurwisa nazvo nezvavaiwana nezvavaipamba zvakawanda vachitorera dzihondo dzavainge vakurira;

7uyewo kuti vakanga vatopaza chakaipa chiya chisingadiwe naMwari chaakambenge iye amisa pamusoro peatari muJerusaremu; uye kuti vakanga vakomberedza Nzvimbo Inoera netsvingo refu sapakutanga negutawo reBhetizuru, guta rake.

8Nyaya iyi payakasvika munzeve dzamambo uyu, zvakamushayisa romuromo zvikamuzunza zvakaipisisa kwazvo. Akandovata pauriri akatanga kurwara pamusana pokurwadziwa mumwoyo nokuti zvinhu hazvina kunge zvamufambira sokuronga kwaakanga aita.

9Akapedza mazuva mazhinji arerepo kudaro pamusana pokuti kurwadziwa mumwoyo kwakanyanya kuya kwakaramba kwamubata, akafunga kuti kwatova kufa.

10Naizvozvo akadaidza shamwari dzake dzose akadziti, “Ndava kungorara ndakasvinura ini uye ndaparara ini mupfungwa nokuzvidya mwoyo.

11Hakusi kurwadziwa pamwoyo ikoko kwandinako! Ndanyatsoti tindindi, mukati memafashamo emvura chaimo nokuti muumambo hwangu ini ndaiva netsiye nyoro ndiri munhu aidiwa.

12Asi zvino ndiri kurangarira zvakaipa zvandakaita muJerusaremu. Ndakapamba midziyo yaro yose yesirivha neyendarama, ndakatuma vanhu kundoparadza vagari vokwaJudha zvisina chikonzerowo chaicho chakanaka.

13Ndinozviziva kuti pamusana paizvozvi izvi pfumvu yose iyoyi yandiwira kudai. Onai ndava kuparara nokurwadziwa mwoyo kukuru uku ndiri munyika yavatorwa.”

Mambo Andiokusi Yupeta

14Akazodaidza Firipi mumwe weshamwari dzake akamuita mambo wenyika yake yose.

15Akamupa ngundu nehanzu yake youmambo neringi rake rechidhindo kuitira kuti arayiridze mwanakomana wake ainzi Andiokusi amurere kuti azova mambo.

16Saka mambo Andiokusi akafira ikoko mugore rezana namakumi mana nechipfumbamwe.

17Risiasi paakanzwa kuti mambo wafa, akagadza umambo Andiokusi mwanakomana wamambo uya kuti atonge panzvimbo pake. Risiasi ndiye akanga amuchengeta kubvira paukomana hwake. Akamutumidza zita rokuti Yupeta.

Nharire yevechirudzi muJerusaremu

18Izvozvo varume vaya vaiva munhare yokuzvidzivirira nayo muhondo muya vakaramba vachiti kokekoke kuisa Isiraeri mumumbure munharaunda yeNzvimbo Inoera. Vaivavarira napose pavaigona kuvakuvadza nokusimbisa vechirudzi.

19Nezvo Judhasi akafunga zvokuvaparadza, akaunganidza vanhu vose kuvakomba.

20Vakaunganidzana vakakomba nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo iyoyo mugore rezana nechimakumi mashanu. Akavaka nharire dzokurikomba nemimwe michina yehondo.

21Asi vamwe vechikwata chavarwi chakasvova mukukombwa ikoku ndokubva vamwewo vaIsiraeri vasingatyi Mwari vabatana navo.

22Vakaenda kuna mambo vakati, “Kusvikira rini chaizvo muchingokundikana kuita ruenzaniso uye nokutsividza zvakaitirwa hama dzedu?

23Taifarira kwazvo kushandira baba venyu upenyu hwedu tichitotungamirirwa neshoko ravainge vataura tichitevedza murao wavo.

24Pamusana paizvozvi izvi vanhu vokwedu vakati kokekoke kurwisa nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo vakatanga kutipandukira uyewo wedu wose wavakabata, vakatouraya vakatitorera nhaka yedu.

25Hatizirisu toga vavakadai kusvasvamhira asi kunyange navose zvavo vagere munyika dzavakaganhurana nadzo.

26Zvino chionai, nhasi uno vatokomba Jerusaremu kuti varikurire. Vakatovakirira Nzvimbo Inoera zvose zviri zviviri neguta reBhetizuru.

27Mukarega kutochimbidza kuvamisa vanotozoita zvimwe zvinhu zvikuru kwazvo zvokuti imi hamuzombokwanisa kuvamisa.”

Hondo yaAndiokusi wechishanu naRisiasi

28Pazvakasvika munzeve dzamambo uyu akashatirwa. Akaunganidza shamwari dzake dzose navatungamiriri vehondo dzake dzavarwi navatongi vose

29uye kwakauyawo hondo dzavarwi vokurwira mari kuzobatana naye dzichibva kune dzimwe nyika nokuzvitsuwa zvokumakungwa.

30Kuwanda kwavarwi vehondo dzake kwakanga kwadai izvi: paiti zana rezvuru zvavarwi vetsoka pouya makumi maviri ezvuru zvavarwi vamabhiza pozoti makumi matatu enzou ane nzou mbiri dzakajaira hondo.

31Vakauya nokuIdhumia vakadzika musasa wamatendhe pakatarisana neBhetizuru. Vakapedza mazuva akawanda vachirwa vachigadzira michina yehondo. Asi vaJudha vakaverevedza vakandoririmisa izvozvo nomoto, vakarwisa semvumba.

32Judhasi akabva panhare yacho yokuzvidzivirira nayo akandodzika musasawo wamatendhe avo kuBhetizekariya pakatarisana nomusasa wematendhe wokwamambo.

33Mangwanani acho mambo akafumomuka akatora hondo yake akavafambisa zvechimbichimbi nomugwagwa wokuBhetizekariya. Varwi vehondo yake vakagadzirira zvokurwa hondo vakaridza mabhosvo engondo.

34Vakafemhedzesa nzou muto wamagirepisi nehinghi kuru kudzimutsa ukasha hwokurwa hondo.

35Vakakamuranisa mhuka idzodzo mumidungwe yavarwi vakaisa nzou imwe neimwe iine zana ravarwi vakapakata zvombo zvokurwisa vaine zvidemautare zvehondo uye nguwani dzendarira mumusoro, uye mazana mashanu avarwi vamabhiza vakanyatsosarudzwa vakaiswa pamhuka yoga yoga.

36Vose ivava vaifanomira munzvimbo dzavo kwosekwose kwainge kuine mhuka iyoyo kwose kwayaienda vaitoendawo nayo vasingasiyane nayo

37Panzou idzodzo paiva pakavakwa tunharire twokuveza twemiti twakasimba twakafukidzwa, twaiva twakasungirirwa pamhuka imwe neimwe netambo dzino chaidzo. Panzou yogayoga paiva navarume vana vakapakata zvombo zvokurwa vairwisa vari ipapo nomuchayiri wayo wechiIndia.

38Vamwe vose varwi vamabhiza vakanga vakanzi uku vamwe uku vamwe kumativi maviri ehondo iyi kuitira kuti vagofe vavengi ivo pachavo vakadzivirirwa nemidungwe yavarwi.

39Zuva parakati bha kuvheneka panhoo dzendarama nedzendarira, zvikomo zvakati ngwee kuchena nadzo dzichivaima kupenya semwenje uri kubvira.

40Izvozvo chimwe chikwata chehondo yamambo chakanga chakati ndandanda muzvikomo zvirefu zvimwe zvikwata zvavarwi zviri mubani vachiuya zvishoma nezvishoma vakanyatsorongana.

41Vose zvavo vakanzwa maungira aiitwa negurusvusvu iri nemitsindo yegurumwandira iri nokukwacharika kwaiita zvombo zvavo zvehondo, vakahuta kudedera nokuti hondo yacho yakanga iri hondo huru kwazvo yakasimba.

42Asi Judhasi nehondo yakewo akavavinga kundovarwisa kukafiwa namazana matanhatu avarwi vokwamambo.

43Ereazari ainziwo Avharani akaona kuti imwe yemhuka idzodzo yakanga yakatakura zvombo zvamambo zvokurwisa, yakanga yakareba kupfuura dzimwe dzose. Iye akafunga kuti ndopakanga pagere mambo.

44Naizvozvo akazvipira upenyu hwake kuponesa vanhu vokwake nokuzviwanira zita rake mukurumbira wokugara nokugara.

45Akaita chivindi akapinda napakati pemidungwe yevarwi achiuraya vanhu kurudyi nokuruboshwe vachimupeukira.

46Akasvika pasi penzou iyoyo akaibaya nepasi payo akaiuraya. Asi yakamuwira akabva afira ipapo.

47VaJudha pavakaona simba ramambo nokurwisa nesimba kwehondo iyoyo vakabva vati fukusu kutiza.

Kukurirwa kweguta reBhetizuru nokukombwa kweGomo reZioni

48Varwi vehondo yokwamambo vakakwidza kuenda kuJerusaremu kuzovarwisa. Mambo akadzika musasa wematendhe kuJudhia nokuGomo reZioni.

49Akaita chibvumirano chokuwirirana navarume vokuBhetizuru. Ivo ndokubva vatama muguta imomo pamusana pokuti vakanga vasisina chokudya imomo chokuti vararame muhondo iyoyo sezvo rakanga riri gore rokuzorodza minda.

50Nokudaro mambo akatora guta reBhetizuru akaisamo varwi vokurichengetedza kuti aribatisise.

51Akazondodzika musasa wamatendhe pamberi peNzvimbo Inoera kwamazuva mazhinji. Akavaka nharire dzokupakomba akagadzirawo michini yehondo yokupotseresa moto namatombo emichini yokukanda nayo miseve nerhekeni.

52VaJudha vakagadzirawo michini yehondo yakangoitawo seyavo vakarwisa kwemazuva mazhinji.

53Asi zvokudya mudura vakanga vasisina nokuti rakanga riri gore rechinomwe. Vanhu vakanga vandopotera muJudhia vaya vakanga vapunyuka kuvanhu vechirudzi, vakanga vatsvaira chokudya chavaiva nacho.

54MuNzvimbo Inoera makanga masara mava navanhu vashoma nokuti vamwe vose vakanga vakundwa nenzara vaita rumwerumwe uyu kwake uyu kwake.

Mambo Andiokusi wechishanu anobvumira vaIsiraeri kuchengeta chitendero chavo

55Zvino Risiasi akanzwa kuti Firipi uya wokunzi namambo Andiokusi, achiri mupenyu, arere Andiokusi mwanakomana wake kuti agozova mambo,

56akanga adzoka kubva kuPezhiya nokuMidhia nehondo dzavarwi dzakanga dzaenda namambo uye kuti akanga achiedza kutora umambo.

57Nezvo akakurumidza kuti vachipinda munzira kuenda. Akati kuna mambo nokuvatungamiri vehondo dzake dzavarwi nokuvarwi, “Tiri kupera simba zuva nezuva, uye chokudya chedu chava kupera, nzvimbo yatiri kurwisa yakasimba, yakasungwa noutare uyewo pane dzimwe nyaya dzezvohurumende dzava kutofanira kutotarisanwa nadzo.

58Saka zvino ngatitauriranei navarume ava tinzwanane navo uye norudzi rwavo rwose

59tivabvumire kuchengeta mitemo sezvavaiita kare nokuti paiva pamusana pemitemo yavo yatakavarambidza yakaita kuti vashatirwe vaite zvinhu zvose izvi.”

60Shoko irori rakafadza mambo navatungamiriri vehondo vaya akatumira shoko kuva Judha rokuti pachiva nokuwadzana ivo vakabvumirana naro.

61Saizvozvo mambo navatungamiriri vehondo ivavo vakapika kwavari nemhiko. Pamusana paizvozvi, vaJudha vakabuda zvavo munhare yavo yokuzvidzivirira nayo muhondo.

62Asi mambo paakapinda muGomo reZioni akaona kusimba kwakanga kwakaita rusvingo irworwo, akatyora mhiko iya yaakanga apika akati rusvingo ngarupazwe rwose zvarwo kurutenderedza.

63Mambo akabva adzokera nokukurumidza kuAndioku. Akasvikowana guta riri mumaoko maFiripi, asi akamurwisa akamutorera guta iroro nesimba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help