Jeremiya 43 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Pakapedza Jeremiya kutaurira vanhu vose mashoko ose iwaya aTenzi Mwari wavo, emhinduro yaTenzi Mwari wavo yaakatumwa nayo kwavari,

2Azariya mwanakomana waHoshaya pamwechete naJohanani mwanakomana waKarea nendambakunzwa dzavanhu vose zvavo vakati kuna Jeremiya, “Inhema dzauri kutaura. Tenzi, Mwari wedu haana kumbokutuma kuti uzotaura kuti, ‘Regai kuenda kuIjipiti kundogarako.’

3Asi iye Bharuku mwanakomana waNeriya ndiye atokufurira kuti utipandukire ugotiisa mumaoko mavaKaridhea kuti vatiuraye kana kutitapa vachitiendesa kuBhabhironi.”

4Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi navanhu vose vakaramba kuteerera izwi raTenzi rokuti varambe vagere munyika yokwaJudha.

5Asi Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose ivavo vehondo dzavarwi vakatora chitsama chose chakasara chevokwaJudha chavanhu vakanga vadzoka kuzogara munyika yokwaJudha vachibva kuvanhu vechirudzi vose kwavakanga vaparadzirwa.

6Paiti varume navakadzi navana navakunda vokwamambo nomunhu wose akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo ari mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani uyewo nomuporofita Jeremiya naBharuku mwanakomana waNeriya.

7Ivavo vakasvika munyika yeIjipiti nokuti vakanga varamba kuteerera izwi raTenzi. Vakasvikira kuTahipanhesi.

8Ipapo shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya muTahipanhesi imomo rikati,

9“Tora mumaoko mako mhitsa dzamabwe udzivige muvhu munzira yakaita zvokuroverwa kunopindwa nako mumuzinda waFarao uri muTahipanhesi muno, vanhu vokwaJudha vachizviona.

10Uti kwavari zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, chinzwai, ndichatumira shoko rokundotora muranda wangu Nebhukadhireza mambo weBhabhironi. Ini ndichagadzikira chigaro choumambo hwokwake pamabwe iwaya andaviga apa. Achazobhabhanura kumisa katendhe kake koumambo kane denga nechapamusoro pawo.

11Achasvikorova nyika yeIjipiti achipinza vakatemerwa denda kudenga vakatemerwa utapwa kuutapwa nokuuraisa nebakatwa vakatemerwa kurufu rwebakatwa.

12Achatungidza moto mumatemberi avamwari veIjipiti; iye achavapisa agovatakura senhapwa achichenesa nyika yeIjipiti sokuchenesa kunoita mufudzi jasi rake achiribvisa zviundudzi. Achazobva ipapo oenda hake murunyararo.

13Achaputsa mabwe marefu eimba inonzi yezuva munyika yeIjipiti muno. Acharirimisawo nomoto temberi dzavamwari veIjipiti.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help