Tobhiti 3 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Munamato waTobhiti

1Mwoyo wangu wakasuruvara, ndakatura befu ndikadonhesa misodzi. Ndopandakatangisa kunamata munamato uyu wokuungudza ndichiti,

2“Imi Tenzi makarurama

zvose zvamunoita zvakarurama

Maitiro enyu ose ndeetsitsi nechokwadi

imi ndimi mutongi wapasi pose.

3“Naizvozvo Tenzi ndirangarireiwo mundicheuke

Regai kundiranga pamusana pezvitadzo zvangu

kana kundirangira zvandakaita mukusaziva

kana kundirangira zvitadzo zvamadzibaba angu.

4“Ndinodaro nokuti isu takakutadzirai

Takatyora mitemo yenyu,

imi mukatipinza mukupambwa

mukatitenhera muutapwa nomurufu

tikave nyaya yokutaura,

tikave chiseko chenyika

tichinzi, ‘Toko waro!’

mukati memarudzi mamakatiparadzira.

5Asi zvamunotema imi zviri pachokwadi

kana muchindiitira zvakakodzerana nokukanganisa kwangu

nokukanganisawo kwamadzibaba angu

nokuti hatina kuchengeta mitemo yenyu

kana kufamba pachokwadi pamberi penyu.

6Zvino chiitai zvenyu zvamunoda neni,

zvikufadzei zvenyu kusvamandiuraya.

Ndingade zvangu kuti muchindibvisa panyika

ndichipinduka ndive ivhu zvakare

nokuti rufu ruri nani kwandiri pano upenyu.

Ndinonyombwa ini pasina chikonzero

kuzvidya mwoyo kwangu kwanyanyisa.

“Tenzi chamunenge matema imi, ndicho chandamirira

mundinunurewo munhamo iyi.

Chiregai zvenyu ndichienda

kumusha wangu wokugara nokugara,

regai kundifuratirawo zvenyu Tenzi

nokuti zviri nani kufa pane kuva mupenyu

ini ndakatarisana nenhamo dzakadai dzisingaperi.

Ndafinhwa ini nokuramba ndichinzwa zvokushorwa.”

III: SARA

7Zvakangoitikawo kuti pazuva rakarero Sara mwanasikana waRagueri aigara muMidhia kuEkibhatana akanzwawo mumwe musikana webasa wababa vake achinyomba.

8Munofanira kuziva kuti akanga atomboroorwa kanotosvika kanomwe, asi aiva nechitsinha, chemweya wakaipisisa kwazvo wainzi Asimodheusi wakamuurayira varume vake vachingotevedzana vasati vambopinda mumba naye kuti vagare naye somurume nomukadzi. Musikana webasa iyeyo akamuti, “Eeka! Ndimi iyemi munozviurayira varume. Iye zvino izvi vatosvika vanomwe vamakapiwa, nanhasi hapana wamati maita mhanza naye.

9Zvokufa kwavarume venyu hazvisizvo zvamungationesere nhamo isu. Teveranai navo, zvokuti tinge tichaona kana mwana wenyu zvake, zvitibve.”

10Zuva iroro, Sara akashungurudzwa chaizvo mumwoyo, akapfikura kuchema akakwira mumba mababa vake achida kuzvisungirira. Asi akazozviti, “Zvimwe vanhu vangazotsoropodza baba vangu voti, ‘Waiva nomwanasikana wako mumwechete chete wapamwoyo, zvino azvisungirira pamusana pokuzvidya mwoyo.’ Handifaniri kushungurudza baba vangu mwoyo ivo vakwegura kudai zvingazovasvitsa kunzvimbo yavachakabvu. Zviri nani ndirege zvangu kuzvisungirira, asi kuti ndichikumbira Tenzi kuti andirege ndife zvangu ndirege kurarama, kunyombwa kwakadai uku kurege kuramba kuchisvika munzeve dzangu.”

11Ipapo akanga ari nechepahwindo akatambanudza maoko akanamata achiti,

“Ngaarumbidzwe Mwari wetsitsi.

Zita renyu ngarirumbidzwe narini wose,

zvinhu zvose zvamakasika zvikurumbidzei narini narini.

12“Zvino ini, ndasimudza uso kuringa kwamuri

maziso angu atarira kwamuri,

13chingotii ndichibva zvangu panyika

Zvokuramba ndichinyombwa izvi, zvandifinha.

14“Inga munozvizivawo wani nhai Tenzi

kuti ndakachengetedza umhandara hwangu.

Hapana murume akandikanganisa.

15Handina kuzvifumura zita

kana zita rababa vangu

munyika ino youtapwa.

“Ndini ndoga mwana, wababa vangu.

Havana mumwe mwana mudyi wenhaka.

Havana mukoma kana munun'una wapadyo,

kunyange imwe hama zvayo yasara

wandingati pamusana pake

ndinofanira kuzvibata.

“Ndakatorasikirwa navarume vanomwe

chandichararamira ipapa chii?

Kana musingade kundipfuudza,

ndicheukeiwo mundinzwire tsitsi.

Zvokuramba ndichishorwa izvi

ini zvandifinha.”

Kutumwa kwomutumwa mukuru Rafaeri kundorapa Tobhiti naSara

16Nguva imwecheteyo, minamato yavo vose vari vaviri yakanzwika pana Mwari wembiri

17ndokubva Rafaeri atumwa kundovarapa vose vari vaviri. Akanzi andobvisa zvidoi zvichena mumaziso aTobhiti kuitira kuti aone nameso chiedza chaMwari, apewo Sara mwanasikana waRagueri kuna Tobhiya mwanakomana waTobhiti kuti ave mukadzi wake uye nokumubvisira mweya wakaipa wechitsinha uya wainzi Asimodheusi nokuti Tobhiya ndiye aiva nemvumo yokuva murume wake kupinda vamwe vose vaimuda. Nguva yakadzoka Tobhiti muruvanze achipinda mumba ndiyo nguva yakareyo yakauyawo Sara mwanasikana waRagueri achiburuka mumba yapamusoro iya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help