1 Nhoroondo 1 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

I: ZVIZVARWA ZVAVANHUKUBVIRA KUNA ADHAMU KUSVIKA KUNA ISIRAERIZvikwata zvitatu zvamadzitateguru okutanga Kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Abhurahamu(Mav 5:1–32; 10:1–32; 11:10–26)Adhamu kusvika kuna Nowa

1Zitateguru ndiAdhamu kwouya Seti kwoti Enoshi

2kwotiwo Kenani kwouya Mahararieri kwouyawo Jaredhi

3kwozouya Enoki tevere Metusharaki kwozotiwo Rameki,

4kwozoti Nowa:

kwouya Shemu naHamu naJafeti.

Dzinza rokwaJafeti

5Vana vaJafeti vakomana

ndiGomeri naMagogu naMadhai naJavhani

naTubhari naMesheki naTirasi.

6Vana vaGomeri: vakomana

ndiAshikenazi naRifati naTogarima.

7Vana vaJavhani: vakomana

ndiErisha naTarishishi naKitimu

naDhodhanimu.

Dzinza rokwaHamu

8Vanakomana vaHamu:

ndiKushi naIjipiti naPuti naKanani.

9Vana vaKushi: vakomana

ndiSebha naHavhira naSabhuta naRama naSabhuteka.

Vana vaRaama: vakomana

ndiShebha naDhedhani.

10Kushi ndiye baba:

waNimurodhi uya akava mambo

wokutanga pasi pano.

11Ijipiti: ndivo baba

vaRudhimu naAnamimu naRehabhimu

kwouya Nafutuhimu

12naPatirusimu naKasiruhimu

(tateguru kwakabva vaFirisitia)

kwozouya Kafutorimu.

13Kanani: akabereka

Sidhoni dangwe rake naHeti,

14ndivo tateguru wavaJebhusi navaAmori

navaGirigashi,

15kwoti wavaHivhi nevaAriki navaSini,

16kwozoti vaArivhadhi navaZemari

navaHamati.

Dzinza rokwaShemu

17Vana vokwaShemu: vakomana

ndiEramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu

vanakomana vaAramu ndiUzi naHuru naGeteri naMesheki.

18Aripakishadhi akabereka Shera,

Shera akabereka Ebheru.

19Ebheru akabereka vana vakomana vaviri:

mumwe ndiPeregi (nokuti

panguva yake nyika yakanga yakamuraniswa.)

Munun'una wake ainzi Jokitani.

20Jokitani akabereka:

Arimodhadhi naSherefu naHazimavheti naJera,

21kwozouya Hadhoramu naUzari naDhikira

22naEbhari naAbhimaeri naShebha

23kwozouya Ofiri naHavhira naJobhabhu.

Vose ivava ndivo vanakomana vaJokitani.

Madzitateguru kubvira kuna Shemu kusvika kuna Abhurahamu

24Kwaiva naShemu kwouya Aripakishadhi kwoti Shera

25kwouyawo Ebheru kwozouya Peregi kwoti Reu

26kwozoti Serugi kwouya Nahori kwozouya Tera

27kwozoti Abhuramu ndiye Abhurahamu iyeye.

Mhuri yaAbhurahamu

28Vanakomana vaAbhurahamu

ndiIsaki naIshimaeri.

Zvizvarwa zvokwaIshimaeri(Mav 25:12–16)

29Zvizvarwa zvavo ivava ndezvizvi:

Dangwe rechikomana raIshimaeri ndiNebhayoti

tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu,

30kwouya Mishima naDhuma naMasa

naHadhadhi naTema,

31kwoti Jeturi naNafishi naKedhima.

Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri.

32Vanakomana vaKetura:

mumwe mukadzi waAbhurahamu akabereka

Zimurani naJokishani naMedhani naMidhiani

naIshibhaki naShua.

Vanakomana vaJokishani

ndiShebha naDhedhani.

33Vanakomana vaMidhiani:

ndiEfa naEferu naHanoki naAbhita naEridhaa.

Vose ivava zvizukuru zvokwaKetura.

Zvizvarwa zvaIsaki nezvemwana wake Esau(Mav 36:1–19)

34Abhurahamu: ndiye baba waIsaki.

Vanakomana vaIsaki:

ndiEsau naIsiraeri.

35Vanakomana vaEsau:

ndiErifazi naRueri naJeushi naJairamu naKora.

36Vanakomana vaErifazi:

ndiTemani naOmari naZefi naGatamu naKenazi

naTimuna naAmareki.

37Vanakomana vaReueri:

ndiNahati naZera naShama naMiza.

Zvizvarwa zvokwaSeiri(Mav 36:20–30)

38Vanakomana vaSeiri:

ndiRotani naShobharu naZibheoni naAna

naDhishoni naEzeru naDhishani.

39Vanakomana vaRotani:

ndiHori naHomamu. Hanzvadzi yaRotani

ndiTimuna.

40Vanakomana vaShobharu:

ndiAriani naManahati naEbharu naShefi

naOnamu.

Vanakomana vaZibheoni:

ndiAya naAna.

41Vanakomana vaAna

ndiDhishoni.

Vanakomana vaDhishoni

ndiHamurani naEshibhani naItirani naKerani.

42Vanakomana vaEzeru:

ndiBhirihani naZaavhani naJaakani.

Vanakomana vaDhishani

ndiUzi naArani.

Madzimambo eEdhomu(Mav 36:31–43)

43Kusati kwambova zvako namambo wokutonga vaIsiraeri,

madzimambo akatonga munyika yeEdhomu ndeaya:

kwaiti Bhera mwanakomana waBheori.

Muzinda wake waiva guta reDhinihabha.

44Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera

wokuBhozira ndiye akatonga panzvimbo pake.

45Pakafa Jobhabhu, Hushamu wokudunhu

revokwaTemani ndiye akatonga

panzvimbo pake.

46Pakafawo Hushamu, Hadhadhi mwanakomana

waBhedhadhi akakurira

vaMidhiani vaya kunyika yeMoabhu ndiye akatonga

panzvimbo pake.

Zita reguta rake rainzi Avhiti.

47Hadhadhi paakafa, Samira

wokuMasireka ndiye akatonga panzvimbo pake.

48Pakafa Samira, Shauro

weRehobhoti kuna Yufuratesi ndiye akatonga

panzvimbo pake.

49Shauro paakafa, Bhaarihanani mwanakomana

waAkori ndiye akatonga panzvimbo pake.

50Pakafawo Bhaarihanani, Hadhadhi

ndiye akatonga panzvimbo pake.

Zita reguta rake rainzi Pai. Zita romudzimai wake

rainzi Mehetabhieri aberekwa

naMatiredhi mwanasikana waMezahabhu.

51Hadhadhi akazofa. Madzishe okuEdhomu:

ndishe Timuna naAriya naJeteti

52naOhoribhama naEra naPinoni,

53kwouya Kenazi naTemani naMibhuzari

54kwozouya Magidhieri naIramu.

Ivava ava ndivo madzishe okuEdhomu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help