2“Kazhinji, vanhu vakakudzwa
zvakanyanya vakaitirwawo mwoyochena
wakawanda navabatsiri vavo,
vazhinji vavo vanobva
vatonyanya kuzvikudza.
3Havazotsvaki kukuvadza
vanhu vangu chete,
asi nokutadza kuzvibata
pamusana pokubudirira kwavange vaita
vanototsvaka zvokukuvadza vabatsiri vavo.
4Vanhu vakadai vanobvisa
mukati mavanhu mwoyo wokutenda
zvikomborero asi vanovhaidzwa navanhu
vasina chakanaka chavanoziva
vanofunga zvavo kuti vachanzvenga
ruenzaniso rwaMwari anovenga
uipi uye anoona
zvinhu zvose nguva dzose.
5Ndokusaka kazhinji vatongi
vazhinji varimowo
mukuvhiya katiyo kwokudeura
ropa ravanhu vasina mhosva
vakazvipinzawo munyatwa
dzisingagadziriki vachikurudzirwa
neshamwari dzavo dzinenge
dzambopiwa basa rokufambisa mabasa
okubatsira vanhu munyika.
6Nokunakisa kwavanoita mukanwa
nouipi hwavo, vanonyengedza
namazwi avo ehuyakose,
vatongi vavo vari pachokwadi vakanaka mwoyo.
7“Izvozvi hatizvioni chete munhoroondo
dzamagamuchidzanwa dzapasichigare,
asi kutoti tinozviona izvozvi mazuva ano
nokutoongorora zvoumharadzi zvakaitwa
navatongi vaiita zvinhu zvisina nounhu hwose.
8Mune ramangwana ndichaita zvose
zvandinogona kuti muumambo hwangu
muve norunyararo norugare
kuvanhu vose
9ndisingateereri zvamakuhwa,
nguva dzose ndichida kunyatsoona
chaizvo nyaya yacho chaiyo
inenge yasvitswa mumaziso mangu
10nokuti Hamani mwanakomana
waHamedhata wokuMakedhonia,
(mumwe mutorwawo zvake
asiri weropa rimwechete
navanhu vechiPezhiya
munhu asina kana mwoyo wetsitsi sowedu)
akava mweni wedu,
11ndikamubata nomutsa wandinoitira
ndudzi dzose dzavanhu
akatenge ava kutonziwo baba wedu
achitopfugamirwa nomunhu wose
asiye mutevedzeri kuna mambo;
12asi nokutadza kuzvidzora pakuzvikudza
kwake akaronga zvokutirozva umambo
hwedu noupenyu hwedu.
13Notumwe twaaironga nounyengedzi
mukutaura akafunga zvokuparadza
Modhekai, mununuri wangu,
mubatsiri wangu wokugara nokugara,
naEsita munhu womunyika medu
asina nechinongo chese pamwechete
navanhu vorudzi rwavo rwose zvarwo.
14Aifunga kuti zvimwe
achatiwana takarivara agotorera zvake
vechiPezhiya umambo achihuisa
mumaoko mevaMasedhonia.
15“Asi ndakaona kuti vaJudha ava,
vanhu vacho vakanga vanzi
vatsakatiswe naiye,
munhu ane rushambwa
rwakapetwa katatu iyeyo,
havazi vaiti vezvakaipa vaye,
asi kutoti vanhu vane mitemo yavo
yakarurama zvikuru kwazvo inovatonga.
16Uyewo vana chaivo
voWokumusorosoro, Mwari mupenyu,
Samasimba akanyatsotifambisira
umambo isu namadzibaba edu
zvakanakisisa kwazvo.
17“Saizvozvo chingave chinhu chakanaka
kuti murege kuita zvakarehwa
netsamba yakatumirwa naHamani
mwanakomana waHamedhata
18nokuti murume akaita
izvozvo akafa rufu
rwokusungirirwa kusuo guru reguta
reSusa pamwechete nemhuri yake yose
nokuti Mwari anotonga zvinhu zvose
akabva amupa nokukurumidza
chirango chaaikodzera.
19“Saka naizvozvo rovererai tsamba iyoyi
painoonekwa naani naani wose,
murege vaJudha vachitevedza zvavo mitemo yavo.
20Vatsigirei kuitira kuti pamusi wegumi
nechitatu wemwedzi wegumi nechipiri
mwedzi waAdhari, pazuva iroro chairoiro
vazvidzivirire kuna vanenge vava
kuvarwisa panguva yavo yokutambudzika,
21pamusana pokuti Mwari anotonga zvinhu
zvose akaita kuti musi iwoyu
uve zuva rokufara kuvanhu vake
vaakasarudza panze pokuriita
zuva rokuparadzwa kwavo.
22Saka munofanira kurichengeta norufaro
rive zuva guru kwazvo
pakati pamazuva makuru amunochengeta,
23kuitira kuti kubvira iye zvino
nomune ramangwana rizovawo
ruponeso rwedu navaPezhiya
vanotya mutemo.
Asi kune vanoronga zvokutimukira
rive chiyeuchidzo chokuparadzwa.
24Guta ripi neripi zvaro,
nenyika ipi zvayo,
pasina zvokusarudza, inenge isina
kuita saizvozvi izvi
inofanira kuparadzwa zvokuparadzwa zviye
nepfumo nomoto.
Panofanira kusiyiwa pave panhu
pasingapfuuriki navanhu panotosemwawo
chaizvo nemhuka neshiriwo nokusingaperi.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.