Judhisi 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kuonana kwaJudhisi naHorofenesi kwokutanga

1Horofenesi akazoti kwaari, “Tsunga mwoyo mudzimai iwe! Rega zvako kumbova nomwoyo wokutya nokuti handati ndaitira chakaipa ani naani anenge asarudza Nebhukadhineza mambo wapasi pose.

2Kana nazvino wose dai kuri kuti vanhu vokwako vanogara munyika yamakomo vasina kundishora, ndingadai ndisina kuvabatira pfumo, asi zvose izvozvi ndivo vakazviparira.

3Zvino chindiudza kuti watizirei kwavari uchiuya kuno kwatiri? Zvawadai kuuya kuno wauya kwakachengeteka. Chitsunga mwoyo uchararama kubvira usiku hwanhasi zvichienda mberi.

4Hapana anokukuvadza asi vose vachakubata zvakanaka sezvavanongoita vashandi vatenzi wangu, mambo Nebhukadhineza.”

5Judhisi akamupindura achiti, “Ndinokukumbiraiwo kuti mugamuchire zvenyu mashoko angu ini muranda wenyu, mundirege ini murandasikana, ndingotaurawo zvangu panemi ndikutaurirei zvinhu pasina zvokunyepa tenzi wangu usiku ihwo huno.

6Kana mukatevedza zvandinokutaurirai ini muranda wenyu, Mwari achapa kuti chaanenge ati aite nemi chiitike kana imi changamire wangu hamuzokundika kuita zvamunenge mada kuita.

7Ngaararame nokusingaperi Nebhukadhineza mambo wapasi pose, simba rake ngarive pfirapo, iye akakutumai kuzotonga munhu wose zvake mupenyu. Pamusana penyu havasi vanhu chete vanomushandira, asi kuti nemhuka nemhukawo dzesango nezvipfuwo neshiri dzedenga zvinotoraramiswa nesimba renyu muri pasi paNebhukandineza nevemba yake.

8Zvoungwaru hwenyu nezvokuziva basa kwenyu takazvinzwa. Zvinozivikanwa pasi pose kuti imi chete, ndimi chete murume akanaka munyika dzose dzoumambo hwenyu anonyatsoziva zvinoitika, muzivisisi chaiye wamaitiro okurwa hondo.

9Zvino zvakataurwa naAkiori mudare renyu takazvinzwa. Ndinodaro nokuti varume vemuBheturia havana kumuuraya, iye ndokuvataurira zvose zvaakanga akuudzai.

10Naizvozvo Tenzi, wangu changamire, musaone zvaakataura sezvisina maturo. Zvichengetei mumwoyo menyu nokuti ichokwadi kuti rudzi rwedu isu harurangwi kana kukurirwa namapakatwa, kusatoti vanhu vacho vatadzira Mwari wavo.

11“Saka zvino, kuitira kuti tenzi wangu arege kukurirwa, uye kuti zvaakaronga zvirege kutadza kubudirira vachawirwa norufu nokuti vapindwa nechitadzo chichaita kuti mwari wavo aviruke nehasha.

12Sezvo zvokudya zvavo zvapera uye mvura yavo yavakuperawo, vatove nezano rokuuraya zvipfuwo zvavo. Vatosvika pokuti vachitopona nezvinhu zvose zvinorambidzwa nomutemo waMwari kudya.

13Vatofunga zvokudya mbesanwa dzokutanga, nechegumi chewaini nechamafuta eorivhi zvinhu zvakanga zvateketererwa kuna Mwari nokutsaurirwa vapristi vanoita basa rokushandira Mwari wedu kuJerusaremu, kunyange zvisiri pamurawo kuti mumwe munhuwo zvake afemere kuzvibata izvozvo namaoko ake.

14Vakatotumira vanhu kuJerusaremu nokuti kunyange vanhu vanogara ikoko ndozvavanga vachingoita izvozvi. Vakavatumira ikoko kundokumbirira mvumo kuvakuru vedare yokuti veBheturia vabvumirwewo kuita zvavanoita.

15Panozongosvika mhinduro kwavari vachabva vazviita. Pazuva rakarero vanobva vaturirwa mumaoko menyu kuti vaparadzwe.

16Naizvozvo ini muranda wenyu pandakangoziva zvose izvi, ndakabva ndatiza kwavari. Mwari andituma kuzobudirira kuita nemi zvinhu zvichazoshamisa pasi pose kune vose vachazvinzwa.

17Ndinodaro nokuti ini muranda wenyu ndiri munamati. Ndinonamata Mwari Wedenga siku nesikati. Naizvozvo tenzi wangu ndichange ndiri kuno nemi. Usiku hwoga hwoga, ini muranda wenyu ndichapota ndichibuda ndichienda kubani uko kundonamata kuna Mwari, iye achandiudza pavanenge vapara zvitadzo zvavo.

18Ndinozouya ndokutaurirai, imi mozobudawo nehondo yenyu yose. Hapana kana nomumwechete wavo anozokwanisa kumirisana nemi.

19Ndipo pandinozokutungamirirai napakati peJudhia kudzamara masvika Jerusaremu, ndichakuisai pakati paro. Muchavatinha sehwai dzisina mufudzi. Hakuna kana imbwa zvayo ichashama muromo wayo ichikuhon'erai. Izvi ndakafanozviziva nokufembera kwangu ndakazviziviswa ndikatumwa kuzokutaurirai.”

20Mazwi aJudhisi akafadza Horofenesi namachinda ake ose. Vakashamiswa noungwaru hwake vakati,

21“Pasi pose zvapo hakuna mumwe mukadzi akaita souyu parunako rwouso uye anoungwaru hwakadai napakutaura!”

22Horofenesi akatiwo kwaari, “Mwari aita zvakanaka kufanotumira iwe kuno kuti utangire vokwako kutisimbaradza uye nokupinza munhamo yokuparadzwa vakazvidza tenzi wangu.

23Chauinacho iwe hachizi chimiro chakanakisa chete asi kuti uno ungwaru pakutaura. Zvino kana ukazoitawo zvawataura izvi, Mwari wako achavawo Mwari wangu uye unozondogara mumuzinda wamambo Nebhukadhineza mukurumbira wako ugozivikanwa pasi pose zvapo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help