Hosea 13 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chirango chicharangwa nacho Isiraeri

1Painge vokwaEfuremu votaura,

vanhu vaidedera,

vairemekedzwa kwazvo muIsiraeri

asi vakapara mhosva,

pamusana paBhaari, vakafa.

2Iye zvino vari kungoramba vachipara

zvitadzo pamusoro pezvimwe;

vari kuzviumbira zvifananidzo zvesimbi,

zvifananidzo zvokunamata

zvakanyatsogadzirwa zvesirivha

zvose zviri zvinhu

zvakaitwa namaoko avanhu

vachitoti kuvanhu,

“Pirai zvibayiro kune zvizvi,”

vanhu vachitotsvoda zvimhuru.

3Naizvozvo vachangoita semhute yamangwanani;

kana sedova risingatani kupera,

sehundi inondimuka paburiro,

kana kuti soutsi hunobuda napahwindo.

4“Ndini Tenzi, Mwari wako

kubvira kunyika yeIjipiti.

Hakuna mumwe Mwari waunoziva kusiya ini,

kunze kwangu hakunazve mumwe muponesi.

5Ini ndini ndaikuchengeta murenje

munyika yakaoma.

6Ndakakufudzai mukaguta.

Pamakanga maguta,

makabva mapindwa nomwoyo wokuzvikudza

mukabva mandikanganwa.

7Saka ndichava seshumba kwavari,

ndichavahwandira munyasi menzira sembada.

8Ndichavawira sebere

rabvutirwa vana varo.

Ndichavatsemura dundundu

ndigovazhanya seshumba

sokubvamburwa kwavangaitwe

nechikara chesango.

9“Ndakakuparadzai, imi vaIsiraeri

ndiani achakununurai?

10Zvino iye mambo wenyu aripiko

kuti akuponesei?

Machinda enyu ose aripiko

kuti akudzivirirei?

Ivo vamaiti,

‘Tipeiwo mambo namachinda.’

11Ndakakupai madzimambo

ndakashatirwa nehasha,

ndikavabvisawo nehasha.

12“Uipi hwevokwaEfuremu

hwakapfundirwa,

chitadzo chavo

chakachengetwa mupfimbi.

13Zvaita semimba yarwadza

yokuberekwa kwavo,

mwana wacho oita zungairwa

otadza kuuya

kumusuo wedumbu.

14Ndovanunura here

mumaoko menzvimbo yavachakabvu?

Ndovanunura here kurufu?

Nhai rufu

nhamo dzaunoonesa dziripiko?

Nhai nzvimbo yavachakabvu

kuparadza kwako kuripiko?

Zvetsiyenyoro handichisina.

15Kunyange zvazvo

akapasa setsanga

dutu rokumabvazuva

dutu raTenzi richauya

richatutuka kubva kurenje;

chitubu chavo chichaoma kuti papata,

chisipiti chake chichaoma kuti gwa.

Richarozva upfumi hwavo

nechose zvacho chakakosha.

16Samaria ichapfukirwa nemhosva yayo

nokuti yakapandukira Mwari wayo.

Vacharakatiswa kufa

nehondo yepfumo,

pwere dzavo dzichipwatitsirwa pasi

madzimai avo akazvitakura achitumburwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help