Jobhu 22 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

C: HURUKURO DZECHITATU DZAERIFASIMwari haana chaanowana kumunhu

1Erifasi muTemani akapindura achiti,

2“Pane munhu angave chipundutso

kuna Mwari here?

Kunyange mungwaru chaiye

anomuwanisa chimuko here?

3Iye Samasimba anowana chimuko here

paururami hwenyu, kana kuwana chaanowana

paupenyu hwako kana husina chinoshoreka?

4Ari kurangira kumutya kwako here

kana kukwirirana dare newe izvozvo here?

5Handiti huipi hwako here hwakaipisisa uhu

naizvo zvitadzo zvako zvisingaperi izvi.

Zvitadzo zvako Jobhu ndezvizvi

6“Pasina chikonzero

wakaita kuti hama dzako dziripe chitsidzo chadzo.

Uchivasiya vava musvo, vasina kupfeka.

7Wainyima iwe vane nyota mvura yokunwa

uchinyima vane nzara chokudya.

8Waipa vane simba roukuru nyika

ichiva misha yechizivano newe.

9Waiendesa chirikadzi dzisina chinhu

usingatsigire nherera.

10Ndokusaka wakombwa nemisungo

uchibva wati mwoyo papata nezvinokuvhundutsa.

11Uye kuti chiedza chako

chapinduka kuita rima

zvokuti haukwanisi kuona,

wachinzi ndondo nemafashamo emvura.

12Handiti Mwari ari kumusoro kudenga here?

Chimbotarira uone nyenyedzi dziri mudenga-denga,

kukwirira kwadzakaita mudenga.

13Asi imi ndopaunoti

Mwari anozivei, uchiti

angagone here kuona murima rakati ndoo

kuti akwanise kutonga?”

Nzira yakafambwa navatadzi kare kare

14Unoti akaputirwa namakore

zvokuti haangakwanisi kuona

paanofamba muzienda nakuenda redenga

15uchiri kungotevedza here maitiro

evechinyakare akafambwa navaipi,

16vakabvutwa nguva yavo isati yasvika?

Ugaro hwavo hwakukurwa nemvura.

17Vanoti kuna Mwari

“Tibvirepo, iye Samasimba angatiitei?”

18Asi ari iye akazadza

dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka

ini mazano avaipi anondipesa.

19Varurami vanozviona vagofara

vakanaka vanopfida kuvaseka,

20vachitoti mhandu dzedu dzakaparadzwa

zvakasara zvaroromeswa nomoto.

Wadzana naMwari

21Naizvozvo wadzana naMwari

uve norugare zvikunakire.

22Gamuchira chidzidziso

chinobva mumuromo make

uchengetedze mashoko ake mumwoyo wako.

23Ukadzokera kuna Samasimba wakazvidukupisa,

uye ukabvisa uipi kure namatendhe enyu,

24kana ukarasa ndarama pavhu,

ukarasira ndarama yokuOfiri mukati mehurungudo dzomurwizi,

25Samasimba achiva iye ndiye ndarama yako

nesirivha yako inokosha;

26ipapo uchazofara una Samasimba

uchizosimudza musoro wako kuna Mwari.

27Uchanamata kwaari, iye achakunzwa

unozokwanisa kuzadzikisa mhiko dzako.

28Ucharonga kuita chinhu chichiitika.

Nzira ichavhenekerwa nechiedza,

29Nokuti Mwari anodukupisa vanozvikudza

achinunura vapasipasi.

30Anonunura vakarurama

iwewo uchanunurwa kana maoko ako achena.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help