Tsumo 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Upombwe hunokusvitsa munhamo

1Mwanangu teerera ungwaru hwangu

rerekera nzeve yako

kumazwi angu okunzwisisa

2kuti uchengetedze kuziva kusarudza

uye miromo yako ichengete ruzivo.

3Miromo yomukadzi asiwako

inodonha uchi

zvaanotaura zvinotsvedzerera

kupinda mafuta

4asi pokupedzisira

anokarakata segavakava

akapinza sebakatwa rinocheka kose.

5Tsoka dzake dzinoenda kurufu

nhanho dzake kuvafi ndiko kwadzo.

6Haambofungi nezvenzira inoeda kuupenyu,

nzira dzake dzinopota-pota

asi haazvizivi.

7Zvino vanangu ndinzwei

musasiane namazwi omuromo wangu

8tambira kure naye

usambosvika zvako

pedyo nomusuo wemba yake.

9Ungadaro ukapa rukudzo rwako kunavamwe

uye makore ako kuna vasina tsitsi

10vamwewo vanhu vangadaro

vakutorera upfumi hwako

zvawakashandira zvikaenda kumutorwa.

11Pakupedzisisa poupenyu hwako

unozowuwura

nyama yako nomuviri zvadyiwa

zvino wavakuti,

12“Chandakarambirawo zvangu kudzorwa chiiko,

mwoyo wangu uchishora kutsiurwa.

13Ndairamba kuteerera zvaitaurwa navarairidzi vangu

kana kurerekera nzeve yangu kuvadzidzisi vangu.

14Ndakanga ndasvika pokutoparara zvachose

mukati megungano rakaungana.”

15Inwa mvura inobva mumugodhi wako

mvura inoerera inobva mutsime rako.

16Zvisipiti zvako zvongoyerera nenyika here

mihoronga yemvura yako

iyerere mumigwagwa zvayo here?

17Ngaive yako yoga

kwete yevatorwa vaunavo.

18Rega kasipiti kako kakomborerwe

ufadzwe nomukadzi wapahudiki hwako

19sesheshe yemhembwe kunaka,

senhunzvi yengururu yakanakisa

kukuda kwake ngakukuzadze nokufara

ugutsikane nguva dzose norudo rwake.

20Sei uchibatwa mwoyo mwanangu,

nomukadzi asiwako

uchimbundira chipfuva chepfambi?

21Chiripo ndechokuti

Tenzi anoona zviito zvomunhu

anotarisa nzira dzake dzose.

22Munhu anoteewa nouipi hwake

anobatwa mubasa rake iroro rechitadzo.

23Anofa pamusana pekutadza kuzvibata

uye anorasika pamusana

poupenzi hwake hukuru.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help