1Ndini Pauro muranda waJesu Kristu ndakadaidzwa kuti ndive mupositori akatsaurirwa kuparidza Shoko Rakanaka raMwari.
2Shoko Rakanaka iroro akanga atorivimbisa kare nokuvaporofita vake muMagwaro Matsvene.
3Rinotaura nezvoMwanakomana wake wechizvarwa chaDhavhidhi panyama.
4Pane zvokuera kwemweya wake, iye Jesu Kristu Tenzi wedu, akanzi Mwanakomana waMwari pasimba pamusana pokumuka kwaakaita kuvafi.
5Nokwaari ndakagamuchira nyasha dzebasa rokutumwa somupositori kuti ndiunze vanhu vamarudzi ose mukuteerera kwechitendero muzita rake
6pamwechete nemi makadaidzwa kuti muve vanhu vaJesu Kristu.
7Ndinokukwazisai imi mose vadikanwi vaMwari vari muguta reRoma, vakadaidzwa kuti vave varurami. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare.
Munamato wokutenda8Pokutanga ndinotenda Mwari wangu nokuna Jesu Kristu. Ndinoitira izvi imi mose pamusana pokuti chitendero chenyu chiri kutaurwa pasi pose.
9Ndinodaro nokuti Mwari iye wandinoshandira nomwoyo wangu wose nokuparidza kwandinoita Shoko Rakanaka roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ini ndinoramba ndichingokudomai muminamato yangu
10ndichikumbira kuti, zvimwe nokuda kwaMwari, pamwe iye zvino ndipo pandingakwanise kuuya kwamuri.
11Ndinodisisa kwazvo kukuonai kuti ndikupei chipo chezvomweya kuti chikusimbisei
12ndichiitira kuti tisimbaradzane nechitendero chomumwe nomumwe wedu, chenyu nechangu.
13Hama dzangu ndingade kuti, munyatsoziva kuti kazhinji ndichida kuti ndiuye kwamuri, asi kusvika pari zvino, ndakatadziswa kuti ndiwane chandingakohwe pakati penyu uye napakati pavamwe vose vechirudzi.
14Ndine zvandinosungirwa kuitira vose vechiGiriki navasiri vaGiriki nokunavakangwara nokuna vasina kungwara.
15Saizvozvo ndinodisa kukuparidzaiwo Shoko Rakanaka imi muri muguta reRoma.
RUPONESO RUNOUNZWA NOKUTENDAI: KURURAMISWASimba reShoko Rakanaka16Ndinodaro nokuti handinyari neShoko Rakanaka nokuti iro isimba raMwari rokuponesa munhu wose ane chitendero zvichitangisira kuvaJudha kozouya vaGiriki
17nokuti mariri, kururama kwaMwari kunoratidzwa pachena nechitendero chinobvira pokutanga kusvikira pokupedzisira sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Munhu anoruramiswa nechitendero achararama.”
A: CHIRANGO CHAMWARI KUVAJUDHA NOKUNE VECHIRUDZIChirango chaMwari kune vechirudzi18Hasha dzaMwari dzinoratidzwa pachena dzichibva kudenga dzakanangana nokusanamata Mwari kose nouipi hwavanhu vanombunyikidza chokwadi vachishandisa zvakaipa zvavo,
19nokuti zvinogona kuzivikanwa nezvaMwari zviri pachena kwavari nokuti Mwari, akaratidza zvinhu izvozvo kwavari.
20Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva.
21Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa.
22Vaizviti vakachenjera asi vakava mapenzi.
23Mbiri yaMwari asingafi vakaitsinhanisa nezvifananidzo zvakaita savanhu zvavo vanofa kana seshiri kana somhuka kana sezvinozvova napasi.
24Naizvozvo Mwari akavarega kuti vaite madiro avo nehavi dzavo dzounzenza zvichivasvitsa mukuitirana zvinonyadzisa nemiviri yavo.
25Nokuti vakatsinhanisa chokwadi chaMwari nenhema. Vakanamata vakashandira chisikwa panokunamata nokushandira musiki anofanira kurumbidzwa nokusingaperi Ameni.
26Nokuda kwaizvozvi Mwari akavarega kuti vaite madiro avo votungamirirwa nehavi dzavo dzinonyadzisa. Vakadzi vavo vakasandura maitiro anofambirana nomusikirwo wavakaitwa savanhukadzi voita zvisingafambirani nomusikirwo wavo.
27Ndozvimwechetezvo navarumewo vakarega kutevedza zviri mumasikirwo avo okuti vatorane nomunhukadzi votsva nehavi yokuchivana pachavo, munhurume achiita zvinonyadzisa nomumwe munhurume vachibva vogamuchira mubayiro unokodzera wokukanganisa kwavo ikoko.
28Saizvozvo nokuti havana kuona chiri chinhu chinokodzera kuti vazive Mwari; Mwari akavaregawo vachiva nepfungwa yakaora nokusazvibata.
29Vakazara nouipi hose hunoti umambara ruchiva noutsinye. Vazere nokusafarira zvakanaka zvavamwe noumhondi nounyengedzi, nouipi hwakakomba nokurevana
30namakuhwa, nokuva vanhu vanovenga Mwari navanozvikudza navanozvirova dundundu navanozvitutumadza navane rubatabata,
31navasingateereri vabereki namapenzi avanhu, vanhu vasina chitendero, vasina mwoyo uye vasingakatari.
32Kunyange zvazvo vachiziva chirevo chaMwari chinoti vanoita zvakadaro vanofanira kufa, havangoita izvozvo chete asi kuti vanotobvumirana navanoita izvozvo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.