Nziyo 22 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Muimbisi rumbo urwu runoimbwa mayimbiro “enondo yamambakwedza.” Rumbo rwaDhavhidhi.Kurwadziwa nechivimbo chomururami

1Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko;

muri kure kure seiko pakundibatsira

uye kumazwi okugomera kwangu.

2Mwari wangu,

ndinochema masikati asi hamupinduri

uye nousiku asi handiwani zororo

3asi imi muri mutsvene,

pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa

umambo chaihwo muIsiraeri.

4Madzibaba edu akavimba nemi,

vakavimba, imi mukavanunura.

5Vakachema kwamuri vakanunurwa

vakavimba nemi vakasanyadziswa.

6Asi ini ndiri honye, handisi munhu

ndinoshorwa navanhu, ndinozvidzwa navanhu.

7Vose vanondiona vanondisveeredza,

vanondimonyera muromo

vachizunguza musoro.

8“Akazviturira kuna TENZI,

ko ngaachimuponesa,

ngaachimununuraka

nokuti anomuda.”

9Asi imi ndimi makandiburitsa munhumbu

mukandichengeta zvakanaka pandaiyamwa.

10Ndakapirwa kwamuri

kubvira pakuberekwa kwangu.

Kubvira pandakaberekwa naamai vangu

ndimi manga muri Mwari wangu.

11Musave kure neni

nokuti nhamo iri padyo

uye hapana wokundibatsira.

12Handira zhinji dzakandikomba,

handira dzakasimba dzokuBhashani

dzakandikomberedza.

13Dzinondishamira muromo kwazvo

seshumba dzinouraya dziri kudzvova.

14Ndadururwa semvura,

mapfupa angu asvodogoka,

mwoyo wangu waita senamo,

wanyongodeka mudundundu mangu.

15Simba rangu rakatooma kuti papata sezenga.

Rurimi rwangu rwavakutonamira kumatadza,

matonditi rapata muguruva rorufu.

16Imbwa dzakandikomberedza,

chikwata chavakaipa chakanditenderedza;

vabaya maoko angu namakumbo angu,

17ndavakutokwanisa kuverenga mapfupa angu ose;

vanondinan'anidza vachinyatsondiongorora.

18Vari kugoverana zvavo zvipfeko zvangu;

hanzu dzangu varikutodziitira chin'ange.

19Asi imi TENZI regai kuva kure;

imi simba rangu kurumidzai kuzondibatsira.

20Ndinunureiwo kubakatwa

mununure upenyu hwangu kusimba rembwa.

21Ndinunureiwo kumuromo weshumba,

ndipindureiwo, ndiri parumano

rwenyanga dzenyati.

22Iniwo ndichaparidza zita renyu

kuhama dzangu,

mukati mesangano ndichakurumbidzai.

23“Imi munotya TENZI murumbidzei,

imi mose vana vokwaJakobho, murumbidzei.

Mudederei imi vana vokwaIsiraeri

24nokuti haana kuzvidza kana kusema

nhamo yavatamburi.

Haana kuvanza uso hwake kwaari

asi akamunzwa paakachema kwaari.”

25Zvokuti ndikurumbidzei mugungano guru,

zvinotobva kwamuri,

zvandakatsidza ndichazviita

ndiri muvanhu vanokutyai.

26Varombo vachadya vakaguta

vanomutsvaka vacharumbidza TENZI,

dai mukangorarama nokusingaperi.

27Nyika dzapasi pano dzicharangarira

dzigodzokera kuna TENZI

mhuri dzose dzamarudzi avanhu

dzigwadame pamberi penyu

28nokuti umambo ndohwaTENZI

uye anotonga pamusoro pevechirudzi.

29Vose vanozvikudza vapanyika

vachamugwadamira vose avo vachapinda muguva

navose vasingagoni kuzviraramisa

vachatozomupfugamira chete.

30Zvizvarwa zvichauya zvichamushumira

zvizvarwa zvinotevera zvichataurirwa nezvaTENZI

31zvichauyawo zvigoparidza ururami

hwake kuvanhu vachatozozvarwa

kuti, “TENZI akazviita.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help