Ungwaru 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ungwaru hwakaita kuti

mabasa avo abudirire pachishandiswa

muporofita mutsvene.

2Vakapfuura nomurenje risina aigaramo,

vachivaka misasa yavo panzvimbo

dzainge dzisati dzambotsikwa nomunhu.

3Vakamirisana navavengi vavo, vakapishinura

vavairwa navo.

4Zvavakanzwa nyota, vakachema kwamuri;

vakapiwa mvura ichibva padombo romusarasara,

nyota yakapodzwa nedombo rakaoma.

Mvura yakaparadza vaIjipiti yakaponesa vaIsiraeri

5Chakarangwa nacho vavengi vavo, ndicho

chakavabatsira mukutambudzika kwavo.

Kurangwa kweIjipiti

6Vavengi vavo vaiva norukova runoyerera

rune mabvondwe eropa namadhaka

7mutemo wokuuraya vacheche.

Asi makapa vaIsiraeri mvura yakawanda

panguva yavakanga vasingafungiri.

8Panguva iyoyo makaratidza vaIsiraeri nenyota

yavakanzwa kuti makamboranga vavengi vavo zvakadii,

9nokuti pavakaedzwa, kunyange zvazvo

vaidziidziswa zvine tsitsi, vakadzidza

kuti vasiri vanamati vakarwadziswa zvakadii

pavainge vatemerwa chirango zvine hasha.

10Makaedza Isiraeri sezvinoita baba

vanochenjedza vana vavo,

asi vaIjipiti makavaongorora

sezvinoita mambo panobatwa munhu nemhosva.

11Kunyange dai vaIsiraeri

vainge vasipo kana varipo,

vaIjipiti vaingobayiwa mwoyo,

12nokuti vaibatwa nokusuwa kuviri,

vaishayiwa hope nokurangarira

zvakanga zvaitika.

13Nokuti pavakanzwa kuti chirango chavo ndicho

chakabatsira vamwe vaya,

vakabva vaziva kuti kuita kwaMwari.

14Kunyange vakamuramba vachimushora

iye uya akanga arasirwa kunze akayanikwa

pakupedzisira kwazvo vakazomuyemura

nokuti nyota yavo yakanga

isina kufanana neyavakarurama.

Mwari akaitira vaIjipiti mwoyo murefu

15Sezvavakarunzirwa nepfungwa nhando

dzounyangadzi hwavo kunamata zvisikwa

zvisina pfungwa zvinozvova

nenhumbu, uye nezvipuka zvisina maturo;

makavarangawo nokuvatumira zvisikwa

zvakawanda zvisina pfungwa,

16kuti vazive kuti

munhu anorangwa nezvinhu zvakarezvo

zvaanokutadzirai nazvo.

17Nokuti ruoko rwenyu runa masimba ose rwakasika

nyika nezvakanga zvisina kuumbwa,

harwaishaya nzira yokuvatumira nayo

mapere kana shumba dzinorura

18kana kuvatumira zvimwewo zvikara

zvichangobva kusikwa, zvine hasha,

kana zvinoburitsa moto mukanwa,

kana zvinodzvova utsi,

kana kuti zvina maziso

anoti n'ai n'ai achiburitsa

mapfarivari anotyisa.

19Hazvaizova nesimba bedzi

rokutsakatisa vanhu

asi kuti vanhu vaiona vaingofa nokutya

nokuzvitarisa chete.

20Kunyange pasina izvi zvose,

maigona kuvapedza

nefemo renyu rimwechete

vachirondwa neruenzaniso,

vaimwarariswa nesimba refemo renyu.

Asi kuti makaronga zvinhu zvose

nemwero nouwandu nouremo hwazvo.

Sei Mwari akaitira mwoyo murefu kuvaIjipiti?

21Chikonzero chacho ndechokuti

imi munogona kushandisa simba guruguru,

saka ndianiwo zvake angagone kuvhika

masimba oruoko rwenyu?

22Nokuti kunemi pasi pose panenge katsanga

kevhu kanongogona kudenhura chikero,

kana sedhonhwe redova ramangwanani rinodonhera muvhu.

23Asi mune tsitsi kuvanhu vose,

nokuti imi munogona kuita zvose,

zvokutadzirwa kwamunoitwa navanhu,

munozvinyarara zvenyu somusingazvioni

kuri kuda kuti vapinduke,

24nokuti munoda zvinhu zvose zviripo,

hamuna chamakaita chamunosema

dai paine chaikusemesai,

mungadai musina kuchisika.

25Chinhu chaizovapo sei,

imi musingachidi?

Chinhu chaigona sei kuramba chiripo,

imi musina kutochiti chirambe chiripo?

26Munopfavira zvinhu zvose,

nokuti zvose ndezvenyu,

imi Tenzi, munoda zvipenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help