1Ungwaru hwakaita kuti
mabasa avo abudirire pachishandiswa
muporofita mutsvene.
2Vakapfuura nomurenje risina aigaramo,
vachivaka misasa yavo panzvimbo
dzainge dzisati dzambotsikwa nomunhu.
3Vakamirisana navavengi vavo, vakapishinura
vavairwa navo.
4Zvavakanzwa nyota, vakachema kwamuri;
vakapiwa mvura ichibva padombo romusarasara,
nyota yakapodzwa nedombo rakaoma.
Mvura yakaparadza vaIjipiti yakaponesa vaIsiraeri5Chakarangwa nacho vavengi vavo, ndicho
chakavabatsira mukutambudzika kwavo.
Kurangwa kweIjipiti6Vavengi vavo vaiva norukova runoyerera
rune mabvondwe eropa namadhaka
7mutemo wokuuraya vacheche.
Asi makapa vaIsiraeri mvura yakawanda
panguva yavakanga vasingafungiri.
8Panguva iyoyo makaratidza vaIsiraeri nenyota
yavakanzwa kuti makamboranga vavengi vavo zvakadii,
9nokuti pavakaedzwa, kunyange zvazvo
vaidziidziswa zvine tsitsi, vakadzidza
kuti vasiri vanamati vakarwadziswa zvakadii
pavainge vatemerwa chirango zvine hasha.
10Makaedza Isiraeri sezvinoita baba
vanochenjedza vana vavo,
asi vaIjipiti makavaongorora
sezvinoita mambo panobatwa munhu nemhosva.
11Kunyange dai vaIsiraeri
vainge vasipo kana varipo,
vaIjipiti vaingobayiwa mwoyo,
12nokuti vaibatwa nokusuwa kuviri,
vaishayiwa hope nokurangarira
zvakanga zvaitika.
13Nokuti pavakanzwa kuti chirango chavo ndicho
chakabatsira vamwe vaya,
vakabva vaziva kuti kuita kwaMwari.
14Kunyange vakamuramba vachimushora
iye uya akanga arasirwa kunze akayanikwa
pakupedzisira kwazvo vakazomuyemura
nokuti nyota yavo yakanga
isina kufanana neyavakarurama.
Mwari akaitira vaIjipiti mwoyo murefu15Sezvavakarunzirwa nepfungwa nhando
dzounyangadzi hwavo kunamata zvisikwa
zvisina pfungwa zvinozvova
nenhumbu, uye nezvipuka zvisina maturo;
makavarangawo nokuvatumira zvisikwa
zvakawanda zvisina pfungwa,
16kuti vazive kuti
munhu anorangwa nezvinhu zvakarezvo
zvaanokutadzirai nazvo.
17Nokuti ruoko rwenyu runa masimba ose rwakasika
nyika nezvakanga zvisina kuumbwa,
harwaishaya nzira yokuvatumira nayo
mapere kana shumba dzinorura
18kana kuvatumira zvimwewo zvikara
zvichangobva kusikwa, zvine hasha,
kana zvinoburitsa moto mukanwa,
kana zvinodzvova utsi,
kana kuti zvina maziso
anoti n'ai n'ai achiburitsa
mapfarivari anotyisa.
19Hazvaizova nesimba bedzi
rokutsakatisa vanhu
asi kuti vanhu vaiona vaingofa nokutya
nokuzvitarisa chete.
20Kunyange pasina izvi zvose,
maigona kuvapedza
nefemo renyu rimwechete
vachirondwa neruenzaniso,
vaimwarariswa nesimba refemo renyu.
Asi kuti makaronga zvinhu zvose
nemwero nouwandu nouremo hwazvo.
Sei Mwari akaitira mwoyo murefu kuvaIjipiti?21Chikonzero chacho ndechokuti
imi munogona kushandisa simba guruguru,
saka ndianiwo zvake angagone kuvhika
masimba oruoko rwenyu?
22Nokuti kunemi pasi pose panenge katsanga
kevhu kanongogona kudenhura chikero,
kana sedhonhwe redova ramangwanani rinodonhera muvhu.
23Asi mune tsitsi kuvanhu vose,
nokuti imi munogona kuita zvose,
zvokutadzirwa kwamunoitwa navanhu,
munozvinyarara zvenyu somusingazvioni
kuri kuda kuti vapinduke,
24nokuti munoda zvinhu zvose zviripo,
hamuna chamakaita chamunosema
dai paine chaikusemesai,
mungadai musina kuchisika.
25Chinhu chaizovapo sei,
imi musingachidi?
Chinhu chaigona sei kuramba chiripo,
imi musina kutochiti chirambe chiripo?
26Munopfavira zvinhu zvose,
nokuti zvose ndezvenyu,
imi Tenzi, munoda zvipenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.