Zekariya 4 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Chiratidzo chechigadzikiro chomwenje chaakaona

1Mutumwa aitaura neni uya akauya zvakare akandimutsa somunhu amutswa kutsi kwehope

2akati kwandiri, “Uri kuonei?”

Ini ndakati, “Ndiri kuona chigadzikiro chomwenje chendarama chose zvacho chine mudziyo uri pamusoro pacho una marambi manomwe pauri ana marimi manomwewo parambi rimwe nerimwe ramarambi iwayo ari pamusoro pacho.

3Uye pane miti yemiorivhi pedyo nacho yakati mumwe kurudyi kwomudziyo iwoyo mumwewo uri kuruboshwe kwawo.”

4Ini ndakabvunza mutumwa aitaura nemi ndikati, “Ko zviiko izvozvi nhai changamire wangu?”

5Mutumwa aitaura neni uya akandidaira achiti, “Hauzivi nhai kuti zvii izvozvo?”

Ini ndokuti, “Kwete, changamire wangu.”

Shoko raTENZI rechitsidzo kuna Zerubhabhero

6Akabva anditi, “Herino shoko raTENZI rinonangana naZerubhabhero rinoti: ‘Hazviitwi zvehondo kana zvechisimba asi naMweya wangu, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo.’

7Uri chii chaizvo iwe zigomo guru? Mberi kwaZerubhabhero uchava bani zvaro iwe, iye achiunza mberi ibwe rapamusoro kuchidaidzirwa kunzi, ‘Kunaka here ikoku, kunaka here uku!’ ”

8Shoko raTENZI rakauyazve kwandiri richiti,

9“Zerubhabhero namaoko ake ndiye akavaka ugaro hwemba ino uye achaipedzesawo namaoko ake. Ndipo pauchaziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye andituma kwauri.

10Chandinodariro ndechokuti ani zvake anenge akambosvora zuva retunhu tudiki achatozopemberawo achizvionera nameso ake Zerubhabhero akabata muruoko tambo yokuvaka nayo yokuyeresa kutwasuka.

“Zvinomwe izvi, maziso aTENZI anobvongodza kuona pasi pose zvapo.”

11Ndakati kwaari, “Ko iyi miti miviri yemiorivhi iyi yakati uyu kurudyi uyu kuruboshwe kwechigadzikiro chomwenje, zviiko izvozvi?”

12Ndakamubvunza rwepiri kuti, “Ko maikowo iwaya mapazi maviri omuti womuorivhi aya ari padivi pepombi mbiri dzendarama, dzinoburitsa mafuta endarama?”

13Iye akati kwandiri, “Hauzivi here kuti izvozvi zvii?”

Ndikati, “Kwete changamire wangu.”

14Akabva ati, “Ivava ndovazodzwa vaviri vanomira naChangamire wapasi pose.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help