Nziyo 28 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaDhavhidhi.Munamato wokukumbira Rubatsiro

1Ndinodanidzira kwamuri TENZI

imi dombo rangu musandinyararire

nokuti mukandinyararira

ndingaite savaya vadzika kunzvimbo yavakafa.

2Inzwaiwo izwi rokunamata kwangu

pandinochemera rubatsiro kwamuri;

pandinosimudza maoko angu

ndakananga kunzvimbo yenyu inoera.

3Musandibatanidzire pamwechete navakaipa

navanhu vanoita zvakaipa

vanotaura zvakanaka navamwe vavo

asi mumwoyo muine zvakaipa.

4Vapei zvakaenzanirana namabasa avo

uye zvakafanirana nezviito zvavo.

Vapei zvinowirirana namabasa amaoko avo

vapei mubayiro unokodzerana navo.

5Pamusana pokuti havana han'a namabasa aTENZI

kana nebasa ramaoko ake,

achavaparadza agorega kuvavakazve.

6TENZI ngaarumbidzwe

nokuti akanzwa izwi rokuteterera kwangu.

7TENZI ndiye simba rangu nenhoo yangu

mwoyo wangu unovimba naye;

anondibatsira, saka mwoyo wangu unofara.

Ndinomutenda norwiyo rwangu.

8TENZI ndiye simba ravanhu vake.

Ndiye nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo,

yokununura nayo muzodzwa wake.

9Nunurai vanhu venyu

mukomborere nhaka yenyu.

Ivai mufudzi wavo

muvatakure nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help